Accessibility links

Breaking News

Mashoko aVaGeorge Charamba Okonzeresa Mutauro Munyika


Zimbabwean War Veterans leader Chris Mutsvangwa (R), arrives at a meeting of the ruling ZANU-PF party in Harare, Nov. 19, 2017.

Mamwe mapato anopikisa anoti achaendesa hurumende yeZimbabwe kuUnited Nations Security Council zvichitevera mashoko emutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, ekuti vakarwa muhondo yerusununguko havasi kuzobvuma kuti mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, kuti vatungamire nyika kana vakakunda musarudzo.

VaCharamba vakanyora nezuro manheru padandemutande ravo reTwitter apo pavanozviti @Jamwanda2 kuti vakarwa muhondo yerusununguko havasi kuzobvuma kuti VaChamisa vatonge Zimbabwe kana vakakunda musarudzo dzemuna 2023.

VaCharamba vakabuditsa mashoko aya maawa mashomanana mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vabva kukorokotedza mutungamiri webato ranga richipikisa muZambia, VaHakainde Hichilema, avo vanodyidzana naVaChamisa, mushure mekukunda kwavakaita mutungamiri wenyika iyi VaEdgar Lungu.

VaHichilema vasati vakunda musarudzo, VaCharamba vakange vanyora zvakare kuti vaive mutengesi mushure mekubuda kwavakaita pamifananidzo vaina VaChamisa.

Mashoko aVaCharamba aya ashorwa nemutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo.

Mutungamiri webato reDemocratic Party, VaUrayayi Zembe, vashorawo mashoko aVaCharamba vachiti hondo haina kurwirwa kuti nyika itongwe nebato rimwe chete vachiti mashoko aya haana maturo.

VaZembe vati wose anoda kukwikwidza musarudzo ane kodzero dzekukwikwidza musarudzo uye zvinenge zvabuda musarudzo zvinofanira kuremekedzwa vachiti ndizvo zvakarwirwa neveruzjhinji kubva muna 1890 kusvika nyika yazowana kuzvitonga muna 1980.

VaZembe vati sebato vave kutogadzirira kukwidza nyaya iyi kuUnited Nations Security Council nemamwe masangano akaita seAfrican Union pamwe nesangano renyika dziri kuchamhembe kweAfrica reSouthern African Development Community, kana kuti SADC.

VaHlatywayo vati vachaita zvose zvavanokwanisa kuti vachengetedze mavhoti everuzhinji vachiti zvido zveveruzhinji zvinofanira kuzadziswa zvisinei nemashoko aVaCharamba aya.

Hatina kukwanisa kutaura naVaCharamba, mutariri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo pamwe nemushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato iri, VaTafadzwa Mugwadi, kuti tinzwe pamire bato ravo panyaya iyi sezvo nharembozha dzavo dzanga dzisiri kupinda.

Asi nhengo yeZanu PF uye vari mutungamiri weZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaChris Mutsvangwa, vati sangano ravo rinotevedzera zviri mubumbiro remitemo yenyika.

Asi VaMutsvangwa vati dambudziko ravanaro neMDC Alliance nderekuti bato iri rinonyanyoda kupindira mumashandiro evari muchiuto.

Hatina kukwanisa kunzwa divi remunyori wePublic Service Commission, VaJonathan Wutaunashe, avo vati tivatumire mibvunze yavanga vasati vapindura pataenda pamhepo.

Asi mutungamiri weZimbabwe Congress of Trade Unions, VaPeter Mutasa, vati panofanira kuve nemusiyano pakati pemashoko anotaurwa nevashandi vehurumende vakaita saVaCharamba nevezvematongerwo enyika.

Vamwe vatataura navo vati zvataurwa naVaCharamba zvikaitika zvinosiya zita reZimbabwe rakasviba uye zvichikonzera zvakare kusagadzikana munyika.

Vamwe vaiva muchiuto vakaita sevashakabvu vanoti VaVitalis Zvinavashe naVa Douglas Nyakayaramba vakambotaura kuti vari muchiuto vakanga vasingazocherechedza hutungamiri hwemushakabvu VaMorgan Tsvangirai dai vakakunda musarudzo.

Muna 2008, vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanonzi vakada kumbobvuma kukundwa kwavakange vaitwa naVaTsvangirai asi vanonzi vakazorambidzwa nevari muchiuto vamwe vacho vanove varwi vehondo yerusunuguko zvakazoita kuti paitwe sarudzo yepiri yemutungamiri wenyika yakapindwa naVaMugabe vega mushure mekunge VaTsvangirai varamba kukwikwidza zvichitevera kuuraiwa kwakange kwaitwa vatsigiri vavo vakawanda.

VaMugabe, avo vaityiwa zvikuru muZanu PF, vakabviswa zvechisimba nemauto pachigaro chemutungamiri wenyika zvakazoita kuti VaMnangagwa vapinde panyanya.

Mauto aya aikokerwa nemukuru wemauto apnguva iyi, VaConstantino Chiwenga, avo vava mutevedzeri wemutungamiri wenyika mushure mekupidigura VaMugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG