Zvizvarwa zveZimbabwe zvinomwe zvakadzingwa kuBritain zvasvika munyika nhasi.
Ndege yanga yakatakura vanhu vanomwe vakadzingwa kuBritainyamhara panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport nhasi mangwanani.
Vanhu ava varamba kutaura nevatori venhau pavaburuka mundege iyi vasati vaendeswa kuZipam kuDarwendale pedyo nedhorobha reNorton kwavachachengetwa kwemazuva gumi maererano nezvakatarwa nehurumende kuti vanhu vanenge vachibva kunze kwenyika vanombogariswa pavo vega kwemazuva gumi vachionekwa kuti havana chirwere cheCovid-19.
Mukuru anoona nezvevapoteri kana kuti Commssioner for Refugees mubazi rinoona nezvehugaro hwevanhu, VaTotamirepi Tirivavi, vati panguva iyo vanhu ava vakachengetedzwa kwemazuva gumi, ivo vachange vari mubishi kutsvaga hama dzavo.
Mashoko aVaTirivavi anouya mushure mekunge bepanhau rekuBritain reIndependent raburitsa nyaya yekuti vamwe vakadzoswa munyika mwedzi wapera vachibva kuBritain, havana pekugara uye vari kurarama vachiita zvekupemha mumigwagwa.
Bepanhau iri rinotiwo vasori vari kushungurudza vamwe vevakadzingwa kuBritain ava kunyange hazvo hurumende yeZimbabwe yakabvumirana nehurumende yeBritain kuti haisi kuzoshungurudza vanhu ava.
Hatina kukwanisa kubata gurukota rinoona nezvevasori, VaOwen Mudha Ncube, kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi.
Zvichakadai, Amai Tambudzai Chirova avo vanga vauya kuzotambira murume wavo wavati anonzi Adrian Chirova vasingazive kuti havabvumidzwe kumuona kusvika abuditswa mu quarantine, vati havazivi kuti vachararama sei nemhuri yavo sezvo murume wavo ariye anga achivabatsira pakuchengeta mhuri iyi.
Ndege yakabhadharwa nehurumende yeBritain yasvika nhasi nevanhu ava ndeyechipiri kuuya nevanhu vakadzingwa kuBritain mushure meimwe yakauya mwedzi wapera iine vanhu gumi nevana.
Kudzingwa kwezvizvarwa zveZimbabwe kuBritain kunonzi kuri kuramba kuchienderera mberi kunyange hazvo masangano anorwira kodzero dzevanhu muBritain ari kupikisa kudzoserwa kwevanhu ava kuZimbabwe.
Hurumende yeBritain inoti vanhu vairi kudzinga ava vanhu vakapara mhosva dzakaita kuti vagare mumajeri kwemwedzi inodarika gumi nemiviri vakapara mhosva dzakafanana nekuponda, kubata chibharo nedzimwe mhosva dzainoisa mubandiko remhosva dzinonzi dzakakura.
Facebook Forum