Accessibility links

Breaking News

VaMthuli Ncube Voyedza Kutara Mitengo yeZvinhu Zvakamboyedzwa naVaObert Mpofu Zvikakona N'anga


VaMthuli Ncube
VaMthuli Ncube

Hurumende inoti ichakunzura marezenesi emabhizimusi ose ari arikushandisa huremu hwemari yepamusika mutema pakubhadharisa vanhu zvinhu zvavanenge vachitenga muzvitoro.

Gurukota rezvemari VaMthuli Ncube vaburitsa mashoko kuvatori venhau nemusi weChina vachiti havasi kufara nevemabhizimusi vari kukwidza mitengo yezvinhu vachishandisa mitengo yepamusika mutema.

Mashoko aya atsinhirwa negurukota rinoona nezvema indasitiri pamwe nekutengeserana, Amai Sekai Nzenza, vaudza Studio 7 kuti vari kushushikana zvikuru nekukwidzwa kwemitengo zvisina mwero vakati bazi ravo pamwe nebazi rezvemari vari kutora matanho akaomarara kuti izvi zvipere.

Ongororo yaitwa neStudio 7 yaburitsa pachena kuti zvitoro zvizhinji zviri kuisa mitengo yezvinhu zvichashandisa mari inoita madhora mazana maviri ari maRTGS padhora rimwechete rekuAmerica asi hurumende ichiti dhora rekuAmerica rinorema madhora makumi masere nemana ari maRTGS.

VaNcube vati hurumende ichatora marezinesi emabhizimisi ose achawanika achiita izvi vachiti bandiko rebhanga guru renyika reFinancial Intelligence Unit pamwe neZimbabwe Revenue Authority vachange vachitenderera mumabhizimisi ose vachiona kuti mitengo yezvinhu haisi kukwidzwa zvisina tsarukano.

Izvi zvinotevera kuburitswa kwemazita evanhu vane chitsama kwakaitwa nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe vanonzi vari kufambisa mari zvisirizvo kana kuti money laundering.

Mutungamiri wesangano revemabhizimusi reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vati havasi kufara kuti vemabhizumusi vari kukwidza mitengo.

Asi VaMutashu chiri kunetsa ndechekuti haasi makambani ose ari kuwana mari kubva kubhanga guru renyika zvinoita kuti mamwe makambani apedzisire oenda kumusika mutema kuti varambe vari mumabhizimusi.

VaMutashu vatiwo mamwe makambani mazhinji haana marezenesi saka haakwanisi kuti atsvage mari yekunze kubva kumusika unotengeswa mari weReserve Bank of Zimbabwe.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vati kudiwa kwemari yekunze munyika kwanyanya asi mari inowanikwa nenyika iri shoma zvikuru zvinokonzera kuti mitengo iite chamurambamhuru.

VaMasimba Manyanya, avo vakamboshanda mubazi rezvemari vachiona nezvehupfumi, vati hurumende inofanira kutsvaga vose vari kuita chikiribidi nemari zvinopedzisira zvakwidza mutengo wemari pamusika mutema.

Vaimbova gurukota rezvemari VaTendai Biti vanove mutevedzeri webato reMDC Alliance vanoti zvekuda kusunga vemabhizimisi zvakamboyedzwa zvikatadza kubudirira uye hazvishande. Vati izvi zvakamboitwa nevaiva gurukota VaObert Mpofu zvikatadza kubudirira uye kupa kuti zvinhu zvishaikwe muzvitoro.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti Zimbabwe inokwanisa kuwana mari yekunze inoikwanira ndokunge yagadzira zvakawanda zvekutengesera dzimwe nyika.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG