Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvovhurwa Paine Kunyunyuta kweVamwe Vabereki neVarairidzi


Zvikoro zvakavhurwa neMuvhuro vamwe vabereki vachiti vari kutadza kubhadhara mari dzechikoro zvimwe zvikoro zvichipfudzira mberi zuva rekuvhurwa kwechikoro.

Vabereki vazhinji vanoti vatadza kubhadhara mari dzechikoro sezvo nguva yavakapihwa kugadzirira kuvhurwa kwezvikoro iri shoma zvikuru.

Mumwe mubereki, Amai Marcia Murombedzi vati havana kana pekutangira zvaita kuti mwana wavo atadze kuenda kuchikoro.

Mumwe mubereki, Amai Nancy Muronda, vati kunyange hazvo mwana wavo aenda kuchikoro, havasi kufara kuti kuchikoro chacho hachina kugadzirira zvakakwana kuti vana vasabatwe nechirwere cheCovid19.

Amai Vimbai Mushangwe mmwewo mubereki ane mwana anodzidza pane chimwe chikoro chiri kuMarondera vati dai vakuru vezvikoro vambomira kudzinga vana muzvikoro pamusana pemari dzechikoro.

VaWilbert Gondongwe avo vane mwana asiri kunyora bvunzo uyo akatarisirwawo kutanga chikoro nevamwe svondo rinouya sekutarwa kwazvakaitwa nehurumende vatiwo dai hurumende yavapawo mukana wekuti vatsvage mari dzechikoro vana vachidzidza zvavo.

VaMalvin Chambati vanotiwo vaswera vachitsvaga ma yunifomu evana vavo asi mari yavo yanga isiri kukwana.

Kunyange hazvo vabereki vachiti vakapihwa nguva shoma, gurukota redzidzo VaCain Mathema vakaudza nhepfenyuro yeZBC svondo rapera kuti nguva yavakapa vabereki yakawandisa zvikuru sezvo vachiti hurumende yakataura pakavharwa zvikoro muna Chikumi kuti vabereki vagare vakagadzirira kuvhurwa kwezvikoro.

Zvichakadaro, vamwe vadzidzisi vanonzi vanga vasiri muzvikoro sezvo vachiti havana mari dzinovakwanira. Mutungamiri werimwe remasangano rinomirira vadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaTakavafira Zhou, vaudza Studio 7 kuti varairidzi vaenda kuzvikoro vashomananana sezvo vasina mari dzinokwana kuti vabhadhararire vavo.

VaZhou vatiwo varairidzi vakawanda havasati vabaiwa nhomba dzeCovid 19 zvinopinza vadzidzisi nevana vechikoro panjodzi kana vari muzvikoro.

Mutungamiri werimwe sangano rinomirira varairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaObert Masaraure vati nheno dzavo dzatanga nekuratidzira mamiriro akaita zvinhu muzvikoro.

Hatina kukwanisa kutaura naVaMathema pamwe negurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi sezvo VaMathema vanga vachiti vakabatikana ukuwo vanga vachidaira nhare muhofisi maVaChiwenga vanga vachitiwo vanga vasiri muhofisi.

Zviimwe zvikoro zvatumira vabereki matsamba panharembozha dzavo dzichivazivisa kuti zviri kutarisira vana kuti vange vave muzvikoro izvi panopera zuva mangwana kuitira kuti vana vazotanga kudzidza neChitatu zvichimbopawo vabereki nguva yekunyatsogarira vana vavo zvakakwana.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG