Zvichitevera kudomwa kwaitwa VaChiwenga segurukota rezvehutano, vanhu vakawanda vabva vatanga kuisa mashoko padandemutande reTwitter vachiratidza kusafara nedanho ratorwa naVaMnangagwa.
Vanhu vapona kubva ku Covid-19 vanonzi vakanga vasvikawo pachiuru nemakumi mashanu nevanomwe, kana kuti 1 057.
Doctor Chimedza vakadzidza kuUniversity of Zimbabwe, vakazopinda muchiuto muna 1996, umo vakazokwira kusvika vazodomwa saAir Commodore muna 2010.
Vanhu vanodarika chiuru nemazana maviri kana kuti 1 200, vanonzi vabatwa nechirwere ichi muHarare chete, izvo zvaita kuti rive dunhu ringanzi mwoyo wechirwere ichi munyika yose pari zvino.
Ruzhinji rwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi ndevaya vanonzi vagara vari munyika, vasina nhoroondo yekumboenda kunze kwenyika.
Vanhu vanosvika mazana maviri negumi nevatatu kana kuti 213, vakawanikwa vaine chirwere ichi pavanhu zviuru zvitatu nezana nemakumi mapfumbamwe nemumwechete, kana kuti 3 191, vakavhenekwa kuona kana vaine chirwere ichi.
Dare repamusoro nemusi weChipiri rakapa mutongo wekuti mapurisa amire kushandisa mimwe yemitemo yaakazivisa svondo rapera inosanganisira kuvharwa kwemigwagwa mapurisa achida kuona kuti vanhu vanenge vachifamba vane matsamba anovabvumidza kufambafamba munguva ino ye lockdown, nezvimwe.
Vanopikisa hurumende vari kunze kwenyika vari kuronga kuratidzira musi wa 31 Chikunguru kumizinda yeZimbabwe munyika dzavagere, vachinyunyuta nekwavanoti kupararira kwehuwori muhurumende pamwe nekusaremekedzwa kwekodzero dzevanhu nehurumende, izvo vanoti zvaparadza nyika.
Makambani akawanda munyika anonzi ari kumbovhara mushure mekunge vamwe vevashandi vawanikwa vaine chirwere ichi.
Pavanhu vakawanikwa vaine chirwere ichi, vanomwe vakabva kuSouth Africa kuchitiwo makumi masere nevatatu vari vanhu vasina nhoroondo yekubuda munyika.
Sangano revarairidzi, rePTUZ, rinoti vashandi vehurumende havasati vajekeserwa kuti vanotora sei mari kubva kumabhanga avo.
Vaviri ava vari kupomerwa mhosva yekutyora chikamu 187 chebumbiro remitemo mushure mekunge vakurudzira vanhu kuti varatidzire mwedzi uno.
Matunhu akawanda emuAmerica akatozivisa kuti ari kuona kukwira kwehuwandu hwevanhu vave kubatawa ne coronavirus, zvikuru mumwedzi uno waChikunguru.
Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio 7 kuti mapurisa haana zvimwe zvekutaura kunze kwegwaro raakaburitsa neMuvhuro.
Mari idzi dzinonzi dzakatanga kupinda mumabhanga evashandi mukupera kwesvondo rapera.
Kanzuru yeguta reHarare yakazivisa neChina nezvemiripo mitsva inotarisirwa kubhadharwa nevagari vachazenge vachishanyira makiriniki nezvipatara zvayo.
Kuwanda kwevanhu vasina nhoroondo yekubuda munyika vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 chinhu chinofanirwa kuvhundutsa hurumende pamwe neveruzhinji.
Vanachiremba vakuru neChitatu vakapa hurumende mazuva gumi nemana ekuti igadzirise matambudziko ari muzvipatara pamwe nenyaya yemihoro yavo.
Hurumende yakazivisa neChitatu kuti huwandu hwevanhu vabatwa ne Covid-19 munyika hwakakwira kusvika pa1 089).
Rodhai zvimwe