Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanodoma VaChiwenga Gurukota reNyaya dzeHutano


Le vice-président du Zimbabwe Constantino Chiwenga à Harare, le 14 aout 2018
Le vice-président du Zimbabwe Constantino Chiwenga à Harare, le 14 aout 2018

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vadoma mumwe wevatevedzeri vavo, VaConstantino Guvheya Chiwenga, segurukota rezvehutano.

Mashoko aburitswa nemunyori mukuru muhofisi yemutungamiri wenyika pamwe nedare remakurukota, VaMisheck Sibanda, anoti VaMnangagwa vatora danho iri nekuti vaona zvakakosha kuti zvinhu zvigadzikane munyaya dzezvehutano munyika, uyewo mubazi rezvehutano, iro ranga risina gurukota kwenguva kubva pakadzingwa basa vaimbove gurukota rezvehutano, Dr. Obadiah Moyo.

VaSibanda vatiwo VaMnangagwa vanoona kugadzwa kwaVaChiwenga kuchabatsira mukuona kuti nyika yakwanisa kurwisana nechirwere cheCovid-19.

Zvichitevera kudomwa kwaitwa VaChiwenga segurukota rezvehutano, vanhu vakawanda vabva vatanga kuisa mashoko padandemutande reTwitter vachiratidza kusafara nedanho ratorwa naVaMnangagwa.

Gweta rine mukurumbira, VaAlex Magaisa, vatiwo kudoma munhu anogara achienda kunorapwa kuChina kuti ave gurukota rezvehutano achiona mabasa ezvipatara zvemunyika zvaasingashandise, hazvina musoro.

Wellence Mujuru anyorawo paTwitter achiti VaChiwenga vane nhoroondo yekudzinga vakoti nemadhokotera airamwa mabasa achida kuti vatambiriswewo mihoro yakanaka.

VaChiwenga vari kupinda mubazi rezvehutano panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka, zvikuru muzvipatara, umo musina vashandi kubva papinda vanachiremba navanamukoti pakuramwa mabasa mwedzi miviri yadarika, vachida kuti vapiwe mihoro yavo nemari yekuAmerica.

NeMuvhuro, VaMnangagwa vakadoma zvakare vanga vari mukuru wezvehutano kumauto, Air Commodore Jasper Chimedza, semunyori mubazi rezvehutano.

Vamwe vakuru vemapoka akasiyanasiyana mubazi rezvehutano vakambomiswawo mabasa vachipomerwa mhosva dzakasiyanasiyana.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG