Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kusimbaradza Hurongwa hweKutevera Vanenge Vakasangana neVane Covid-19


Hurumende iri kukurudzirwa kutevera vanhu vese vangadai vakasangana nevanhu vakabatwa nechirwere cheCovid-19
Hurumende iri kukurudzirwa kutevera vanhu vese vangadai vakasangana nevanhu vakabatwa nechirwere cheCovid-19

Imwe nyanzvi mune zvehutano iri kukurudzira veruzhinji kuti vatore chirwere cheCovid-19 sechirwere chapinda munyika, uye chinouraya.

Doctor Edgar Munatsi, avo vari kuBritain, vanotaura mashoko aya vachiti munyika muchine vamwe vari kuramba kutambira kuti chirwere ichi chapinda uye chiri kuuraya vamwe vevanhu vavagere navo.

Mashoko aDoctor Munatsi aya anouya panguva iyo bazi rezvehutano neSvondo rakazivisa kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakanga hwakwira kusvika pazviuru zviviri nemazana mashanu negumi nevaviri, kana kuti 2 512.

Vanhu vapona vari pamazana mashanu negumi nevasere kana kuti 518, kuchitiwo vashaya vakanga vasvika pamakumi matatu nevana kana kuti 34.

Huwandu uhwu hunouya panguva iyo vanhu vakawanda vagara vasina kumbobuda munyika vave kuwanikwa vaine chirwere ichi.

Makambani akawanda munyika anonzi ari kumbovhara mushure mekunge vamwe vevashandi vawanikwa vaine chirwere ichi.

Vanamukoti vakawanda muzvipatara zvakazvimirira vanonzi vave kuwanikwawo vaine chirwere ichi, icho chambenge chichinyanya kuwanikwa mune vashandi vezvehutano vari muhurumende.

Kanzuru yeguta reHarare yaburitsa gwaro rinoratidza kuti chirwere cheCovid-19 ichi chabata zvikuru mumisha inogara veruzhinji.

Tsvakurudzo yeStudio 7 inoratidzawo kuti kupararira kwechirwere ichi mumisha yeveruzhinji richave dambudziko gukutu sezvo mhuri zhinji dzichigara dzakamanikidzana mudzimba.

Rimwe dambudziko rinonzi rinogona kuparadzira chirwere ichi nekukasika inyaya yekuti vanhu vari kunzi vari kumanikidzana mumabhazi eZUPCO, anove ndiwo chete ari kubvumidzwa nehurumende kutakura veruzhinji pari zvino.

Doctor Munatsi vanoti matambudziko ose aya anoita kuti hurongwa hwekutevera vanhu vanenge vakasangana nevane chirwere cheCovid-19 kana kuti contact tracing hunetse sezvo panenge pave kudiwa vashandi vakawanda vanoita basa iri.

Pasi rose, Johns Hopkins University yemuAmerica inoti vanhu vanodarika mamiriyoni gumi nematanhatu ane mazana maviri ezviuru, kana kuti 16 million 200 000, vabatwa nechirwere ichi.

Vafa nechirwere ichi vanonzi vadarika zviuru mazana matanhatu nemakumi mana nezvisere kana kuti 648 000.

America yave nevanhu vanodarika mamiriyoni mana nezviuru mazana maviri nemakumi matatu nezvina kana kuti vadarika 4 million 234 000 vabatwa nechirwere ichi.

Doctor Edgar Munatsi vanoti kukwira kwehuwandu muvanhu vave kuwanikwa vaine covid-19 mucherechedzo wekuti chirwere ichi changa chatogara chiri muvanhu vakawanda asi vasati vavhenekwa.

Vanotiwo hurumende inofanirwa kubvumidza mamwe makambani ane mabhazi kutakurawo veruzhinji kuitira kuderedza dambudziko rekutapuriranwa kwechirwere ichi mumabhazi eZUPCO.

Hurukuro naDoctor Edgar Munatsi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG