Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeMutemo Dzopesana paNyaya yeKusungwa kwaVaNgarivhume Pamwe naChin'ono


Mutori wenhau Hopewell Chin'ono pamwe nemutungamiri webato reTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume vachisvika padare redzimhosva muHarare.
Mutori wenhau Hopewell Chin'ono pamwe nemutungamiri webato reTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume vachisvika padare redzimhosva muHarare.

Nyanzvi dzezvemutemo dziri kupesana panyaya yekusungwa kwemutungamiri webato rinopikisa reTransform Zimbabwe, VaJocb Ngarivhume pamwe nemutori wenhau Hopewell Chin’ono, avo vakasungwa neMuvhuro.

Vaviri ava vari kupomerwa mhosva yekutyora chikamu 187 chebumbiro remitemo mushure mekunge vakurudzira vanhu kuti varatidzire musi wa 31 Chikunguru, unove mwedzi uno.

Gweta rinorwira kodzero uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa mavhinga, vari kupomera hurumende mhosva yekutyora kodzero dzevaviri ava dzekuratidzira dzavanopiwa nebumbiro remitemo yenyika.

VaMavhinga vanoti hapana chinganzi chakakanganiswa naVaNgarivhume pamwe naChin'ono sezvo vari kuzadzisa kodzero dzavo dzekuburitsa huwori hwavanoti huri kuitika muhurumende.

Vanoti hurumende iri kuita semunhu anotya changodonha nekuti anenge aine katurike,

Asi Doctor Simba Mavaza, avo vanove nhengo yeZanu PF, vanoti vaviri ava ndivo vari kutotyora mutemo kuburikidza nekufurira vanhu kuti vaungane ipo paine mutemo unorambidza kuungana kwevanhu vanodarika kuungana kwevanhu vanodarika makumi mashanu munguva ino yechirwere che Covid-19.

Doctor Mavaza vanoti hurumende hairambidze vanhu kuti varatidzire, kana chete vachingoratidzira zviri murunyararo, asi nguva yada kuratidzirwa nevanhu ava ndiyo iri kuita kuti varambidzwe nekuti inguva ye lockdown yechirwere che covid-19.

Vanoti vaviri ava vari kuda kupidigura hurumende, vachiti vanoda kubvisa hurumende vanofanirwa kumirira sarudzo dza023, kwete kuda kubvisa hurumende nechisimba.

VaNgarivhume naChin'ono vamiswa pamberi pedare nnemusi weChina apo VaNgarivhume vanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso, vakanzi vanozodzoka zvakare kudare musi wa 14 Nyamavhuvhu.

Chin'ono anzi agozodzoka zvakare kudare nemusi weChishanu sezvo dare rakasika kuvharwa nekuda kwemutemo mutsva wekurambidza vanhu kufamba pakati penguva dza 6 manheru na 6 mangwanani, uyo wakadzikwa nemutungamiri wenyika svondo rino vachisimbisa mutemo wekudzivirira kupararira kwe Coronavirus..

Hurukuro naVaDehwa Mavhinga pamwe naDoctor Simba Mavaza
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG