Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVari Kubatwa neCovid-19 Vagara Vari Munyika Hwoshusha Nyanzvi dzeZvehutano


Veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vapfeke zvekuvhara miromo nemhino, kugeza maoko nesipo, uye kuremekedza mikaha pakati pavo.
Veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vapfeke zvekuvhara miromo nemhino, kugeza maoko nesipo, uye kuremekedza mikaha pakati pavo.

Kukwira kwehuwandu hwevanhu vasina nhoroondo yekubuda munyika vave kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 kunonzi nedzimwe nyanzvi mune zvehutano chinhu chinofanirwa kuvhundutsa hurumende pamwe neveruzhinji kuti patorwe matanho nekukasika.

Izvi zvinotevera mashoko ebazi rezvehutano akabuda nemusi weChina ekuti huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 munyika hwakanga hwakwira kusvika pachiuru nemazana matatu nemakumi matanhatu nevaviri, kana kuti 1 362 pakupera kwezuva.

Bazi iri rinoti huwandu uhwu hwakakwira zvichitevera kuwanikwa kwevamwe mazana maviri nemakumi manomwe nevatatu kana kuti 273, vaine chirwere ichi, mazana maviri nemakumi matanhatu kana kuti 260, vari vanhu vagara vanga vari munyika, gumi nevatatu kana kuti 13, vari vanhu vakadzoka munyika kubva kunze.

Huwandu hwevanhu vafa munyika hwakakwira kusvika pamakumi maviri nevatatu kana kuti 23, uye vapora vave mazana mana nemakumi maviri nevashanu, kana kuti 425.

Vanhu vakaongororwa kana vaine chirwere ichi nemusi weChina vaisvika chiuru nemazana mashanu nemakumi mashanu nemumwe kana kuti 1 551.

Dunhu rinonzi rine vanhu vakawandisa vari kuwanikwa vaine chirwere ichi idunhu reBulawayo, iro rine vanhu vanosvika mazana mana negumi nevapfumbamwe, 419, richiteverwa neHarare ine vanhu mazana matatu nemakumi masere nevapfumbamwe, kana kuti 389.

Pave nekutyirwa kuti sezvo guta reBulawayo riine vanhu vakawanda vari kubatwa vaine chirwere ichi, rinogona kunge risina kugadzirira zvakakwana kuchengeta vanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19 ava.

Asi zvipatara zviviri zvakagadzurudzwa mazuva apera aya kuti zvitambire varwere veCovid-19 zvinoti Thorngrove ne Ekusileni, zvinonzi zvatanga kushanda.

Johns Hopkins University yemuAmerica, iyo iri kutevera kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi pasi rose, inoti vanhu vanodarika mamiriyoni gumi nematatu nezviuru mazana masere kana kuti 13.8 million vabatwa pasi rose, vafa vachidarika mazana mashanu nemakumi manomwe ezviuru kana kuti 590 000.

MuAmerica chete, vanhu vanodarika mamiriyoni matatu nezviuru mazana mashanu kana kuti 3.5 million vabatwa nacho uye vafa vadarika zviuru zana nemakumi matatu nezvisere kana kuti 138 000.

South Africa, iyo inove ine vanhu vakawandisa muAfrica vane Covid-19, uye iri muvakidzani weZimbabwe, yave nevanhu vanodarika zviuru mazana matatu nemakumi maviri nezvina kana kuti 324 000 vakawanikwa vaine chirwere ichi.

Vanhu vafa muSouth Africa vasvika pazviuru zvina nemazana matanhatu nemakumi matanhatu nevapfumbamwe kana kuti 4 669.

Vazhinji vevanhu vari kuwanikwa vaine covid-19 vachibva kunze kwenyika vari kubva kuSouth Africa.

Doctor Gilson Mandigo, avo vari muHarare, vanoti havasi vose vari kubva kunyika iyi vari kupinda nepamiganho iri pamutemo, sezvo kuine vamwe vari kusvetuka muganhu vachipinda munyika vasina kuvhenekwa.

Vanoti izvi ndezvimwe zvezvinhu zviri kuwedzera dambudziko iri munyika sezvo hurumende isingazokwanisa kuziva kuti apinda munyika zviri kunze kwemutemo ndeupi.

Doctor Mandigo vanoti hurumende inofanirwa kusimbisa mutemo wekusafambafamba, zvikuru kurambida vanhu vanobva mumatunhu ane dambudziko guru rechirwere ichi kuti vasashanyira dzimwe nzvimbo.

Hurumende iri kukurudzirwawo kuti iwedzere kuvhenekwa kwevanhu vagara vari munyika, zvikuru vari kumaruwa, uko kunoshanyirwa nevakawanda vanobva mumadhorobha nemaguta ane vanhu vari kubatwa vaine chirwere che covid-19.

Vanotiwo veruzhinji vanofanirwa kuita bandiko ravo kuburikidza nekupfeka zvekuvhara miromo nemhino kana kuti ma mask, kugeza maoko avo nesipo pamwe nekukoshesa nyaya yesiya mikaha pakati pavo uye kusangoungana.

Doctor Mandigo vari kukurudzirawo hurumende kuti kana yodzamisa mutemo wekurambidza kufambafamba kwevanhu iisewo mukana wekuti veruzhinji vakwanise kuwana chekudya, vachiti panogona kuzoguma pave nedambudziko rekufa kwevanhu nenzara, kwete necovid-19.

Asi vanoti mitengo yezvekuvhara miromo nemhino iri pamusoro zvakanyanya muzvitoro zviri kutengesa, vakati dai pawanikwa zvinokwanisa kuwachwa kana zvashandiswa kuitira kuti veruzhinji vasarasikirwa nemari yakawanda.

Hurukuro naDoctor Gilson Mandigo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG