Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vanoti Havasi Kukwanisa Kutora Mari Dzekubatsirikana muNguva yeCovid-19


Vashandi vehurumende vanoti vari kukundikana kutora mari dze covid-19 dzekubatsirika, idzo dzakatanga kuiswa mumabhanga avo svondo rapera.
Vashandi vehurumende vanoti vari kukundikana kutora mari dze covid-19 dzekubatsirika, idzo dzakatanga kuiswa mumabhanga avo svondo rapera.

Vashandi vehurumende pamwe nevaive vashandi avo vave pamudyandigere vakawana mari dzekubatsirika munguva ino yeCovid-19 dzinoita madhora makumi manomwe nemashanu nemadhora makumi matatu emari yekuAmerica, vanonzi vave kuita dambudziko rekutadza kutora mari idzi kumabhanga avo, sezvo pasina kujekeswa kuti vachazodzitora sei.

Mari idzi dzinonzi dzakatanga kupinda mumabhanga evashandi mukupera kwesvondo rapera asi vashandi ava vanonzi vari kuudzwa nemabhanga avo kuti vamiririre kusvikira vaziviswa kuti vanopiwa sei mari idzi, uye vanenge vachida mari idzi nekukasika vari kunzi vanopiwa dziri mumadhora emunyika nemutengo wedhora rekuAmerica wezuva iroro.

Gurukota rezvevashandi nemabasa, Muzvinafundo Paul Mavima, vakaudzawo bepanhau reSunday Mail neSvondo kuti mari idzi dzakatanga kuiswa mumabhanga evashandi, uye vakatendawo kuti hapana hurongwa hwati hwavepo hwekuti dzingashandiswa sei muzvitoro.

Hurumende inonzi yakambenge yakazivisa kuti vashandi ava vachazopiwa makadhi ekumabhanga ekuti vakwanise kushandisa mari idzi, asi zvinonzi kusvika pari zvino hapana zvati zvaitwa.

Mutewedzeri wemunyori mukuru wesangano rinomirira vashandi vehurumende, reAPEX Council, VaGibson Mushangu, vanoti semasangano anomirira vashandi havana zvakawanda zvavanogona kutaura pamusoro pemari iyi nekuti hurumende yakangopa vashandi sechipo pasina kugarwa pasi.

VaMushangu vanoti vachatozonzwa nevashandi kuti vawana mari dzavo sei kana vese vapera kuona mari dzavo dave mumabhangi.

Hurukuro naVaGibson Mushangu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG