Accessibility links

Breaking News

PTUZ Inoti Hurumende Inofanirwa Kujekesa Mapirwo Achaitwa Vashandi Mari dzeKubatsirikana


Sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti kusvika pari zvino vashandi vehurumende havasati vajekeserwa kuti vanotora sei mari kubva kumabhanga avo dzekubatsirikana munguva ino yeCovid-19 dzinoita madhora makumi manomwe nemashanu emari yekuAmerica, izvo sangano iri rinoti zvave kuita kuti vashandi ava vabiridzirwe nemabhanga pamwe nevezvitoro.

Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti sangano ravo riri kuwana mashoko ekuti varairidzi vakawanda vave kumanikidzwa nemabhanga avo kutora idzi dziri mumadhora emunyika, uye nemutengo uri pasi kudarika wakatarwa svondo iroro wedhora rekuAmerica.

VaMajongwe vanoti vamwe vave kumanikidzwa nevezvitoro kutenga zvavasingade kuti vakwanise kushandisa mari idzi.

Vanotiwo vamwe vezvitoro vari kuramba kutambira makadhi ari kuiswa mari idzi, izvo zviri kuomesera vashandi vehurumende.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi, asi gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakaudza bepanhau reHerald nemusi weChitatu kuti hurumende yakanga yaita chibvumirano nevemabhanga pamwe nevezvitoro kuti vashandi vehurumende ngashandisa sei mari dzavo dzekubatsirika idzi.

Vaimbove vashandi vehurumende vave pamudyandigere vakapiwawo madhora makumi matatu emari yekuAmerica yekuti vabatsirikane munguva ino ye Covid-19.

Ngatinzweyi hurukuro yaitwa naJonga Kandemiiri weStudio 7 naVaMajongwe pamusoro penyaya iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG