Mapurisa anga achisecha kumba kwemutori wenhau, Hopewell Chin’ono, muHarare, uyo akasungwa neMuvhuro, anonzi anetsana nemagweta ake mushure mekunge ada kutora mimwe yemidziyo yaanoshandisa mukuita basa rake, iyo yanzi nemagweta ake haisi pagwaro rekusecha mumba make kana kuti search warrant, ranga richishandiswa nemapurisa.
Izvi zvinonzi zvazomanikidza mapurisa kumhanyira zvakare kudare ramejasitiriti kunotsvaga rimwe gwaro rinoapa mvumo yekutora makamera ake ebasa sehumbowo hwaari kutsvaga mukumupomera mhosva.
Mapurisa anonzi anga aine gwaro rekusecha iri, iro rapiwa nemutongi wedare remejasitiriti, Amai Judith Taruvinga, asi gwaro iri rinonzi ranga risingasanganisire makamera anonzi anga achida kutorwa nemapurisa aya.
Magweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights ari kumirira Chin’ono anoti Amai Beatrice Mtetwa pamwe naVaDouglas Coltart.
Mutongi wedare uyu anonzi apawo zvakare mapurisa gwaro rinoabvumidza kusecha kumba kwemutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, avo vakasungwawo neMuvhuro.
Vaviri ava vari kupomerwawo mhosva yekutyora chikamu chemutemo 187, vachinzi vari kukurudzira vanhu kuti vapandukire hurumende, mhosva iyo vanonzi vari kuramba.
Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vanoti mapurisa matatu ararawo akachengetedza pamba paChin’ono usiku hwapfuura.
Panguva yatataura naVaMafunda, mapurisa anonzi anga asati adzoka nerimwe gwaro rekuti aenderere mberi nekusecha mumba maChin'ono.
Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio7 kuti mapurisa haana zvimwe zvekutaura nezvenyaya iyi kunze kwegwaro raakaburitsa neMuvhuro.
VaNyathi vativo vanga vasina ruzivo rwekuti mapurisa aenda kunosecha kudzimba dzaChin’ono naVaNgarivhume, vachiti vambenge vambobuda muhofisi mavo.
Asi VaMafunda, avo tataura navo vari pamba paChin’ono nguva yanga ichisecha mapurisa, vanoti Chin’ono naVaNgarivhume vave kutarisirwa kumiswa pamberi pedare neChitatu, uye vacharara zvakare vari mumaoko emapurisa.
Facebook Forum