Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vabatwa neCOVID-19 Munyika Hwotambudza Nyanzvi Mune zveHutano


Nyanzvi mune zvehutano, Doctor Mathew Nyashanu
Nyanzvi mune zvehutano, Doctor Mathew Nyashanu

Bazi rezvehutano rakazivisa neSvondo kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira kusvika pazviuru zvitatu nemazana mapfumbamwe nemakumi maviri nemumwe, kana kuti 3 921, vanhu vafa vari makumi manomwe kana kuti 70, kuchitiwo vapona vave chiuru negumi nevatanhatu, 1 016.

Ruzhinji rwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi ndevaya vanonzi vagara vari munyika, vasina nhoroondo yekumboenda kunze kwenyika.

Chinonzi nedzimwe nyanzvi dzezvehutano chiri kuwedzera dambudziko rekupararira kwechirwere ichi kushaikwa kwavanachiremba, vanamukoti pamwe nevamwe vashandi vezvehutano vemuzvipatara zvehurumende, avo vave nemwedzi miviri vari pakuramwa mabasa.

Rimwe dambudziko rinonzi riri kutadzisa kufamba kwezvinhu muhondo yekudzivirira chirwere ichi, kusavepo kwegurukota rezvehutano pamwe nevamwe vakuru mubazi rezvehutano.

Kubva zvadzingwa basa vaive gurukota Doctor Obadiah Moyo, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa havasati vadoma gurukota idzva.

Rimwe dambudziko zvakare rinonzi riri kuita kuti kudzivirira Covid-19 kunetse inyaya yekuramba vanhu vachipinda nekubuda munyika vachibva kuSouth Africa zviri kunze kwemitemo, sezvo vanhu ava vasiri kuzoenda munzvimbo dzinofanirwa kuchengeterwa vanenge vabva kunze kwenyika, kana kuti quarantine centre, uko vanofanirwa kuvhenekwa.

Johns Hopkins University yekuAmerica inoti South Africa yave nevanhu vanodarika zviuru mazana mashanu negumi nechimwe kana kuti 511 000 vabatwa nechirwere ichi.

Vanhu vafa nechirwere ichi munyika iyi vadarikawo zviuru zvisere nemazana matatu, kana kuti 8 300.

Pasi rose vanhu vanodarika mamiriyoni gumi nemasere nezana rezviuru, kana kuti 18,100 000, vabatwa nechirwere ichi, uye vanhu vafa pasi rose vadarikawo zviuru mazana matanhatu nemakumi masere nezvinomwe, kana kuti 689 000.

America, iyo iri pamberi muhuwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi, inonzi neJohns Hopkins University yave nevanhu vanodarika mamiriyoni mana nezviuru mazana matanhatu nemakumi matanhatu nezvina, kana kuti 4,668 000 vabatwa ne Covid-19.

Vanhu vafa muAmerica vanonzi vadarikawo zviuru zana nemakumi mashanu nezvina nemazana masere nemakui matanhatu, kana kuti 154 860.

Imwe nyanzvi mune zvehutano vachidzidzisa paNottingham Trent University kuBritain, Doctor Mathew Nyashanu, vanoti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi muZimbabwe hunoratidza kusasimba kwenyaya dzehutano munyika.

Doctor Nyashanu vanoti nekuda kwekushaikwa kwevashandi vezvehutano muzvipatara zvehurumende, basa rekutevera vanenge vakasangana nevarwere veCovid-19 kana kuti contact tracing rinobva ranetsa.

Vanoti rimwe dambudziko guru riri kuwedzera chirwere ichi munyika kusavepo kwekuchengetedzwa kwemafambiro evanhu, sezvo vamwe vari kupinda nekubuda munyika pamadiro vachishandisa nzvimbo dzisiri pamutemo, uyewo kuti vanhu vari munyika vakawanda havasi kutevedzera mutemo wekusafambafamba, we lockdown.

Hurukuro naDoctor Mathew Nyashanu
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG