Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vave Kufa neCovid-19 Hunokwira Panguva Iyo Chirwere Chadzika Midzi Munyika


Vanhu vakawanda vari kushaya neCovid-19 vanonzi vari kuzoonekwa pavanovhenekwa vazoshaya.
Vanhu vakawanda vari kushaya neCovid-19 vanonzi vari kuzoonekwa pavanovhenekwa vazoshaya.

Bazi rezvehutano rakazivisa neMuvhuro kuti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika hwasvika pamakumi masere kana kuti 80, zvichitevera kushaya kwevamwe gumi.

Bazi iri rakatiwo huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose hwakanga hwakwira kusvika pazviuru zvina nemakumi manomwe nevashanu, kana kuti 4 075, mushure mekunge vanhu zana nemakumi mashanu nevana, kana kuti 154 vawanikwa vaine chirwere ichi.

Vanhu vapona kubva ku Covid-19 vanonzi vakanga vasvikawo pachiuru nemakumi mashanu nevanomwe, kana kuti 1 057.

Vanhu vose vakawanikwa vaine chirwere ichi ndevaya vanonzi vagara vari munyika, vasina nhoroondo yekumbobuda munyika.

Vanhu vanodarika chiuru nemazana maviri kana kuti 1 200, vanonzi vabatwa nechirwere ichi muHarare chete, izvo zvaita kuti rive dunhu ringanzi mwoyo wechirwere ichi pari zvino.

Pasi rose Johns Hopkins University yemuAmerica inoti vanhu vanodarika mamiriyoni gumi nemasere nezviuru mazana matatu kana kuti 18,300 000 vabatwa nwechirwere ichi, icho chaurayawo vanhu vanodarika zviuru mazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nezvina nemazana manomwe, kana kuti 694 700.

Nyanzvi mume zvehutano vari chiremba kuCharlotte kuNorth Carolina muAmerica, Dr. Simbiso Ranga, vanoti kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi pamwe nekufa nacho zvinhu zvinoshungurudza zvikuru.

Dr. Ranga vanoti izvi zvave kureva kuti vanhuwo zvavo pamwe nhurumende vanofanirwa kuongorora zvakare nzira dzavari kushandisa mukudzivirira kupararira kwechirwere ichi kuti vaone kana dziri kushanda sezvinotarisirwa.

Vanokurudzirawo vanenge varasikirwa nehama dzavo kuburukidza nechirwere ichi kuti vatore matanho akasimba anoita kuti vasatapurirwe chirwere kubva kumufi, anosanganisira kusageza mufi, uye kupfeka nhumbi dzinodzivirira kutapuriranwa kwehutachiwana.

Hurukuro naDr. Simbiso Ranga
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG