Accessibility links

Breaking News

Dunhu reHarare Ndiro Rave neVanhu Vakawanda Vabatwa neCovid-19 muNyika


Mushandi wezvehutano achibatsira kupa mushonga unouraya hutachiwana hwe coronavirus kune vanhu vaishanya pane chimwe chipatara muBulawayo
Mushandi wezvehutano achibatsira kupa mushonga unouraya hutachiwana hwe coronavirus kune vanhu vaishanya pane chimwe chipatara muBulawayo

Bazi rezvehutano rakazivisa neMuvhuro kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira kusvika pazviuru zvina nemakumi manomwe nevashanu, kana kuti 4 075 mushure mekunge vanhu zana nemakumi mashanu nevana, kana kuti 154 vawanikwa vaine chirwere ichi.

Bazi iri rinoti vanhu vafa vasvika pamakumi masere kana kuti 80, zvichitevera kushaya kwevamwe gumi, uye vanhu vapona kubva ku Covid-19 vanonzi vakanga vasvika pachiuru nemakumi mashanu nevanomwe, kana kuti 1 057.

Vanhu vose vakawanikwa vaine chirwere ichi ndevaya vanonzi vagara vari munyika, vasina nhoroondo yekumbobuda munyika.

Vanhu vanodarika chiuru nemazana maviri kana kuti 1 200, vanonzi vabatwa nechirwere ichi muHarare chete, izvo zvaita kuti rive dunhu ringanzi mwoyo wechirwere ichi munyika yose pari zvino.

Kukwira kwehuwandu uku kuri kuuya panguva iyo sangano rinoona nezvehutano pasi rose, reWorld Health Organisation, W-H-O, rakazivisa mukupera kwesvondo kuti chirwere ichi chichange chiripo kwenguva yakareba, nekudaro nyika dzose dzinofanirwa kusimba mukutsvaga nhomba yekuchidzivirira.

Nyanzvi mune zvehutano vachishanda vakazvimirira, Doctor Frenk Guni, vanoti vanowirirana nemuono weW-H-O uyu, vachitiwo zvakakosha kuti nyika dzose dzibatane mukuunganidza zvikwanisiro pamwe nehunyanzvi mukurwisana nepamwe nekudzivirira chirwere ichi.

Doctor Guni vanoti Covid-19 inogona kupedzisira yaita sechirwere chedzihwa, icho chatove chekufa nacho kunyange hazvo mishonga mitsva yenhomba ichiwanikwa gore negore.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG