Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhuVabatwa neCovid-19 Hunoramba Huchikwira Munyika


Huwandu hwevanhu vagara vari munyika vabatwa neCovid-19 hunonzi huri kukwira zvave kutyisa nyanzvi dzezvehutano dzaawanda.
Huwandu hwevanhu vagara vari munyika vabatwa neCovid-19 hunonzi huri kukwira zvave kutyisa nyanzvi dzezvehutano dzaawanda.

Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina kuti huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 munyika hwakanga hwakwira kusvika pazviuru zviviri nezana rine makumi maviri nevana kana kuti 2 124, zvichitevera kuwanikwa kwevamwe vanhu makumi mapfumbamwe kana kuti 90 vaine chirwere ichi.

Vanhu zviuru zviviri nemazana manomwe ane makumi manomwe nevatatu kana kuti 2 773 ndivo vakavhenekwa nyika yose nemusi weChina.

Vanhu vakanga vapora vakanga vave mazana mashanu ane gumi kana kuti 510, uye huwandu hwevanhu vashaya hwakakwirawo kusvika pamakumi maviri nevasere kana kuti 28 zvichitevera kushaya kwevamwe vaviri.

Pavanhu vakawanikwa vaine chirwere ichi, vanomwe kana kuti 7 vakabva kuSouth Africa kuchitiwo makumi masere nevatatu kana kuti 83 vari vanhu vagara vari munyika.

Kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere vari vanhu vagara vari munyika kunonzi nedzimwe nyanzvi mune zvehutano kunofanirwa kuongororwa zvakadzama nekuti vanhu ava vanogona kunge vakatosangana nevanhu vakawanda kwazvo vasati vaziva kuti vane chirwere ichi.

Imwe nyanzvi mune zvehutano vachidzidzisa zvehutano paNottingham Trent University kuBritain, Doctor Mathew Nyashanu, vari kukurudzirawo veruzhinji kuti vasimbe kutevera mitemo yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 yakatarwa nebazi rezvehiutano pamwe nemitemo yeWorld Health Organisation, W-H-O.

Mimwe yemitemo iyi inosanganisira kusabatana maoko, kusiya mikaha pakati pevanhu, kugeza maoko nesipo, kusaungaana pamwe nekuvhara miromo nemhino nemamasiki.

Johns Hopkins University yekuAmerica, iyo iri kutevera kupararira kwechirwere ichi inoti pasi rose vanhu vabatwa nechirwere ichi vadarika mamiriyoni gumi namashanu nezviuru mazana mashanu kana kuti 15.5 million, kuchitiwo vafa vadarika zviuru mazana matanhatu nemakumi matatu ane zvina kana kuti 634 000.

America, iyo iri pamusoro pasi rose, yave nevanhu vanodarika mamiriyoni mana kana kuti 4 million vabatwa nechirwere ichi uye vanhu vafa vadarikawo zviuru zana nemakumi mana nezvina kana kuti 144 000.

Doctor Nyashanu, vanoti kuti dambudziko rekukwira kwehuwandu hwevanhu vave kuwanikwa vaine chirwere ichi munyika rideredzwe, hurumende inofanirwa kusimbisa zvakare nyaya yekuteverwa kwevanhu vakasangana nevanenge vawanikwa vaine chirwere, kana kuti contact tracing, uye kuti vanhu vagare kwavo voga, kana kuti self-isolation.

Hurukuro naDoctor Mathew Nyashanu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG