Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yotara Mari Dzichabhadharwa neVarwere


Harare City Council -Chideme
Harare City Council -Chideme

Kanzuru yeguta reHarare yakazivisa neChina nezvemiripo mitsva inenge yave kutarisirwa kubhadharwa nevagari vachazenge vachishanyira makiriniki nezvipatara zvayo, iyo yakatarwa pachishandiswa mari yekuAmerica.

Kanzuru yakazivisa kuburikidza nedandemutande re Twitter kuti mitengo mitsva iyi ichange yakatarwa mumadhora ekuAmerica asi munhu achibhadhara nemari yemunyika zvichienderana nekuti mutengo wedhora rekuAmerica uri pamarii pamusika wemari pazuva iroro.

Munhu mukuru achaenda kuchipatara kana kukiriniki achange achitarisirwa kubhadhara mari yakaenzana nemadhora mashanu emari yekuAmerica, kuchitiwo mwana mudiki achibhadhara yakaenzana nemadhora matatu ekuAmerica.

Madzimai anoshandisa zvipatara nemakiriniki pakusununguka vanenge vobhadhara mari inoenzana nemadhora makumi maviri nemashanu emari yekuAmerica.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nemutauriri weHarare, VaMichael Chideme, kana mukuru anoona nezvehutano mukanzuru iyi, Dr Prosper Chonzi, sezvo vange vasiri kubatika panharembozha dzavo

Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti mari itsva idzi dzichaita kuti vanhu vakawanda vakundikane kuenda kunorapwa sezvo paine dambudziko rekuti vanhu havasi kutambira mihoro yavo ichifambirana nemari yekuAmerica iri kutarwa iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG