Accessibility links

Breaking News

Maonero eHurumende yeAmerica


Mike Pompeo, United States Secretary of State
Mike Pompeo, United States Secretary of State

Vakatanga kuwana United Sates, vakadaro gurukota rezvekudyidzana kweAmerica nedzimwe nyika, VaMike Pompeo, “vakashandura nzira yenhoroondo pavakavamba nyika ichivakwa pamuono wekuti hurumende inovepo kwete kuti izvidze kanaka kubvisa kodzero dzemunhu zvichikonzerwa nevanenge vari mumasimba ekutonga, asi kuvachengetedza.”

VaPompeo mazuva apera vakakumikidza chikwata chevadzidzi pamwe nevanorwira kodzero kuti “vavape yambiro pamusoro pekodzero dzevanhu dzichidzika midzi kubva mumitemo inobva pakaumbwa America nemitemo ya 1948 yepasi rose pakadzikwa mutemo unobata kodzero dzevanhu, kana kuti 1948 Universal Declaration on Human Rights.” Chiitiko ichi, icho chinozivikanwa zvakare sekomisheni yekodzero dzisingachinjanwe kana kutorerwa munhu, kana kuti Commission on Unalienable Rights, chakaburitsa gwaro racho mumazuva apera.

Pakuparurwa kwegwaro rekomisheni iyi, gurukota VaPompeo vakabvuma kuti United States yakaumbwa nedzimwe kodzero dzisingatorerwe munhu dzekuti dai dzisipo “kuedza kose kwatinoita kudzivirira pamwe nekusimudzira kodzero dzevanhu kungadai kusina pakwakabatira, nekudaro, kwaikundikana.”

“Vakatanga nyika ino havana kugadzira ‘kodzero dzinotorerwa munhu,’ asi vakatsanangura zvakajeka muchisungo chekuwana kuzvitonga kana kuti Declaration of Independence kuti vanoonekwa semucherechedzo wekuti vanhu ‘vakasikwa vakaenzana’ uye vakapiwa nemusiki wavo dzimwe kodzero dzavasingagone kutorerwa…. dzimwe dzacho dziri hupenyu, rusununguko, uye kutsvaga rufaro.”

Gwaro reKomisheni yekodzero dzisingatorerwi munhu (Commission on Unalienable Rights) rinokoshesa kuti “zviri pamusoro pakodzero idzi ikodzero dzekuve nezvivakwa nekusunguka kutevera chitendero,” vakadaro VaPompeo.

“Haukwanise kuwana mufaro kana usingakwanise kuwana chedikita rako, uye hapana vanhu vari munharaunda vangakwanisa kuwana chiremera vasina rusununguko rwechitendero,” vakadaro VaPompeo.

Zviri pachena kuti “kodzero dzisingatorerwi munhu dziri pakati pekuti tiri vanaani sezvizvarwa zveAmerica,” nekudaro idzowo dzinofanirwa kutsigira hwaro hwedu hwekudyidzana nedzimwe nyika,” vakadaro VaPompeo.

“Kana tichibvuma zvechokwadi kuti kodzero hadzitorerwi munhu, hadzityorwe, uyewo ndedzemunhu wese pasi rose, sezvakaitwa nevakatanga nyika ino, saka kudzidzivirira ndiwo unofanirwa kuve musimboti wemabasa edu ose mukuedza kudyidzana nedzimwe nyika,” vakadaro VaPompeo.

Nekudaro, kuzvipira kweAmerica mukuremekedza kodzero dzisingatorerwi munhu kumusha kwaratidza kuve musimboti wetarisiro yevanhurume nevanhukadzi vari kune dzimwe nyika vari kutsvakawo rusunguko rwavo. Mucherechedzo mumwechete wakadaro ndewe gandanga rekuSoviet, Natan Sharansky.

Paakanzwa nezvemashoko emutungamiri wenyika VaRonald Reagan pamusoro pehurumende ine hutsinye kana kuti “Evil Empire” ari muhusungwa, akati aive mashoko ane chiedza murima rechizarira chaaive ari muhusungwa.

“Ndinovimba kuti,” vakadaro VaPompeo, “nyeredzi yeAmerica ichajekesa matenga ose, kana chete takachengeta nzwisiso yekodzero dzisingatorerwi munhu pakati pechido chedu chekuwanisa rusununguko kuvanhu vedu nevanhu vese.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG