Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vanodoma Dr. Jasper Chimedza Kuve Munyori Mukuru muBazi rezveHutano


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa neMuvhuro vakadoma vanga vari mukuru wezvehutano kumauto kana kuti Director General Health Services, kumuzinda wemauto weZimbabwe Defences Forces Headquarters, Air Commodore Jasper Chimedza, kuti vave munyori mukuru webazi rezvehutano nekurerwa zvakanaka kwevana.

Mashoko akaburitswa nemunyori mukuru muhofisi yemutungamiri wenyika pamwe nedare remakurukota, VaMisheck Sibanda, anoti Doctor Chimedza vaitora chigaro ichi kubva panguva yavakadomwa.

Doctor Chimedza vakadzidza kuUniversity of Zimbabwe, vakazopinda muchiuto muna 1996, umo vakazokwira kusvika vazodomwa saAir Commodore muna 2010.

Semunyori mukuru, vakatora chigaro chakasiiwa naDoctor Agnes Mahomba, avo vakasiya chigaro ichi mushure mekudomwa kwavo kuti vave mukuru anoona nezve chirwere cheCovid-19 munyika.

Bazi rezvehutano harinawo zvakare gurukota zvichitevera kudzingwa basa kwevaive gurukota, Doctor Obadiah Moyo, vachipomerwa mhosva yekusashandisa hofisi yavo nemazvo.

Kudomwa kwaDoctor Chimedza kwaitwa panguva iyo huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 huri kukwira zvakanyanya, uyewo vanachiremba pamwe nevamwe vashandi mubazi rezvehutano vari kuramwa mabasa.

Munyori anoona nezvehutano muMDC Alliance, Doctor Henry Madzorera, vanoti vanotambira nemufaro kudomwa kwemunyori mukuru mubazi rezvehutano uku, asi vanotarisira kuti kuvepo kwake kuchabatsira kugadzirisa matambudziko ari mubazi rezvehutano nekukasika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG