Accessibility links

Breaking News

Dambudziko reCoronavirus Rokura Zvakare Mune Mamwe Matunhu Agere Vana veZimbabwe Vari Kunze kweNyika


Chizvarwa cheZimbabwe chiri kuCalifornia, muAmerica, Amain Eula Manjenga-Anyiwo

Huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere che Covid-19 hwave kukwira zvakare, kwete muZimbabwe chete, asi kuti munyika dzakawanda pasi rose, kusanganisirawo muno muAmerica, umo matunhu akawanda ave kutarisana zvakare nedambudziko iri.

Johns Hopkins University inoti neChipiri chete vanhu vanosvika chiuru nemakumi mashanu nevatanhatu (1 056) vakarasikirwa nehupenyu munyika yose nekuda kwechirwere ichi, huwandu hunonzi ndekeekutanga kudarika chiuru kubva muna Chikumi.

Huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere ichi hunonzi hwanga huchikwira nguva zhinji mumwedzi uno waChikunguru.

Matunhu akawanda emuAmerica akatozivisa kuti ari kuona kukwira kwehuwandu uku, zvekuti haaoni zvikoro zvichivhura muna Nyamavhuvhu, izvo zvichaita kuti vana vadzidze vari kudzimba dzavo.

Dunhu reCalifornia nderimwe rematunhu ari kuona kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19.

Kusvika neChipiri dunhu iri rakange rave nevanhu zviuru mazana mana nezvipfumbamwe nemazana matatu nemakumi manomwe (409, 370) vabatwa nechirwere ichi mushure mekunge vanhu zviuru gumi nemazana mashanu nemakumi manomwe nemumwe (10,571) vawanikwa vaine chirwere ichi nezuro.

Vanhu vafa muCalifornia vakanga vasvika pazviuru zvinomwe nemazana masere nemakumi mapfumbamwe nemumwe (7,891), zana negumi nevanomwe (117) vakashaya nezuro chete.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri mudunhu reCalifornia, Amai Eula Manjengwa-Anyiwo, vanobvuma kuti dunhu ravo riri kuona huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19, asi vanoti ivo vachiri vakachengetedzeka sezvo vari kure nematunhu akaita seLos Angeles, ayo anonzi ndiwo anyanya kutarisana nedambudziko iri.

Amai Manjengwa-Anyiwo vanoti ivo vari mudunhu duku reMurrieta, riri kuTemecula Valley, uko vanoti vakagara zvakataramukana zvekuti vanopana mhepo.

Vanotiwo vari kumusha kuZimbabwe vanpfanirwa kutevera mitemo yekudzivirira kupararira kweCoronavirus yakaita sekusabatana maoko pamwe nekusiya mikaha pakati pavo kana vachida kuti hurongwa uhwu hwubudirire.

Mudunhu reLos Angeles County, vanhu vanodarika zviuru zana nemakumi matanhatu nechimwe nemazana matanhatu kana kuti (161 600) vakanga vabatwa nechirwere ichi pakupera kwezuva nemusi weChipiri.

Hurukuro naAmai Eula Manjengwa-Anyiwo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG