Vanachiremba vakuru vari pasi pesangano reZimbabwe Senior Hospital Doctors Association, neChitatu vakapa hurumende mazuva gumi nemana ekuti igadzirise matambudziko ari muzvipatara pamwe nenyaya yemihoro yavo, kukundikana kwayo voramwa mabasa.
Izvi zvinouya panguva iyo bazi rezvehutano rakazivisa zuva rimwero kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere che Covid-19 munyika hwakakwira kusvika pachiuru nemakumi masere nevapfumbamwe kana kuti 1 089, zvichitevera kuwanikwa kwevamwe vanhu makumi maviri nevashanu vaine chirwere ichi pavanhu zviuru zviviri nemazana matanhatu negumi nevaviri kana kuti 2 612 vakavhenekwa.
Vanhu vapora kubva kuchirwere ichi kusvika nezuro vaive mazana matatu nemakumi mapfumbamwe nevashanu kana kuti 395, uye vashaya vachiri makumi maviri.
Tsamba yakanyorwa nesangano ravanachiremba vakuru iyi, iyo yakanyorerwa kuboka reHealth Services Board, kumunyori mukuru mubazi rezvehutano pamwe nekuvakuru vezvipatara, kana kuti hospital clinical directors, iri kuda kuti hurumende iise mishonga nezvikwanisiro muzvipatara, iwanise vanachiremba zvekuzvidzivirira kubva ku Covid-19, uye kuti mihoro yavo ive iri mumadhora ekuAmerica ichienzaniswa nemari dzavaitambira muna Gumiguru 2018.
Vanachiremba ava vari kudawo kuti zvichemo zvevamwe vashandi vemuboka rezvehutano vari pakuramwa mabasa pari zvino zvigadziriswe kuitira kuti vabatsirane mabasa, uyewo kuti nhengo dzavo dzinoshanda kuUniversity of Zimbabwe asi iye zvino dziri kushanda muzvipatara munguva ino, dzinge dzichibhadharwa mari dzekushanda uku.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.
Pasi rose vanhu vabatwa ne Covid-19 vadarika mamiriyoni gumi nezviuru mazana mashanu kana kuti 15.5 million, uye vanhu vafa vadarika zviuru mazana mashanu nemakumi masere nezvina kana kuti 584 000.
Imwe nyanzvi mune zvehutano vachidzidzisa zvehutano pa Nottingham Trent University, ku Britain, Doctor Mathew Nyashanu, vanoti vari kukurudzira hurumende kuti igare pasi navanachiremba ava vakurukure zvichemo zvavo kuti zvinhu zvisaipa kudarika zvazviri pari nhasi muzvipatara.
Doctor Nyashanu vanoti chinonyanyorwadza ndechekuti vanachiremba ava vari kuda kuramwa mabasa munguva iyo nyika iri mudambudziko re Covids-19, izvo zvinozoisa varwere vagara vaine zvimwe zvirwere zvinovanetsa munyodzi huru kana vakazobatwa neCovid-19.
Vanoti hurumende inofanirwa kugadzirisa zvinhu muzvipatara nekukasika, umo munonzi hamuna mishonga nezvimwe zvikwanisiro.
Doctor Nyashanu vanotiwo kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubata chirwere cheCovid-19 chinhu chinityisa nekuti kana vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 vanenge vachida kubatwa zvakanaka, uye kuti vabatwe zvakanaka vanofanirwa kunge vachienda kuzvipatara, uko kunofanirwa kunge kuine vanamukoti navanachiremba.
Facebook Forum