Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri Kunze Zvoronga Kuratidzirawo Musi wa 31 Chikunguru


zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvichiratidzira panze pemuzinda weZimbabwe uri muWashington DC.
zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvichiratidzira panze pemuzinda weZimbabwe uri muWashington DC.

Vanopikisa hurumende vari kunze kwenyika vari kuronga kuratidzira musi wa 31 Chikunguru kumizinda yeZimbabwe munyika dzavagere, vachinyunyuta nekwavanoti kupararira kwehuwori muhurumende pamwe nekusaremekedzwa kwekodzero dzevanhu nehurumende, izvo vanoti zvaparadza nyika.

Vari kunze kwenyika ava vanoti vachabatana nevari munyika vari kuronga kuratidzira musi weChishanu uyu, kunyange hazvo vaitungamira hurongwa uhwu, VaJacob Ngarivhume, veTransform Zimbabwe, vakasungwa vachipomerwa mhosva yekufurira vanhu kuti vapandukire hurumende.

VaNgarivhume vakasungwa pamwechete nemutori wenhau ane mukurumbira, Hopewell Chin’ono, uyo ari kupomerwawo mhosva imwecheteyo.

Nhengo yebato reMDC Alliance mudunhhu reBritain, VaElliot Pfebve, vanoti kunyange hazvo bato ravo risiri iro riri kutungamira hurongwa uhwu, ivo nevamwe vana veZimbabwe vari kunyunyuta nemamiriro akaita zvinhu kumusha vachabatana mukuratidzira uku vachiungana pamuzinda weZimbabwe House uri muLondon.

VaPfebve vanoti zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvichaunganawo muWashington DC muAmerica, kuAustralia, Namibia, South Africa nedzimwe nyika pasi rose zvichiratidzirawo musi uyu.

Hurukuro naDoctor Elliot Pfebve
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi hurongwa uhu huri kushoropodzwa zvikuru nenhengo dzeZanu PF dziri kunze kwenyika idzo dziri kupomera vari kuda kuratidzira ava mhosva yekuda kupidigura hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa vachibatsirwa nenyika dzekumawirira.

Sachigaro weZanu PF mudunhu reNorth America, VaRegis Charumbira, vanoti manyepo kuti vanopikisa ava vari kuda kuratidzira pamusoro pehuwori, vachiti kana vanhu ava vari kuda kuratidzira pamusoro pehuwori, sei vari kuzoti Zanu PF iende vachishandisa # Zanu PF Must Go?

Vanoti vabatana vose nhengo dzeZanu PF dziri kunze kwenyika mukubuda nechisungo ichi, vachiti havasi kuzoregerera vanoda kubvisa hurumende vachiita madiro aJojina.

Hurukuro naVaRegis Charumbira
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG