Mazuva mashoma adarika, dzimwe nhengo dzePDP dzakabuda pachena dzichinyunyuta nemafambisirwo anonzi ari kuitwa nhaurirano dzemubatanidzwa uyu, zvikuru panyaya yekugovana zvigaro.
Rwendo urwu rwakarongwa nesangano rakazvimirira rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Human Rights Organisation, ZHRO riri kwakare kuBritain.
Sangano rePrayer Netwrok Zimbabwe rakaumbwa muna 2010 nemakereke akasiyanasiyana kuitira kunamatira nyika kuti ibve mumatambudziko mairi.
Hurumende yeSouth Africa iri kushorwa zvikuru zvichitevera kupa kwayakaitwa mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe ruremekedzo rwemunyarikani akakosha kuitira kuti vasamiswa pamberi pedare
Vechidiki vebato reZanu PF vakatanga kuisa chikumbiro chekuti zuva rakaberekwa VaMugabe riitwe zororo renyika muna 2015, vachiti inenge iri nzira yekucherechedza nayo mabasa akabatwa naVaMugabe mukuvaka nyika.
Muzvare Mafukeni vakanga vari mumwe wevechidiki vebato reMDC-T makumi maviri nevapfumbamwe vakasungwa muna 2011 vachipomerwa mhosva yeponda mumwe mupurisa mumusha weGlen View muHarare.
Nyaya yemudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe yekunzi vakarova zvakaipisisa mumwe musikana wemakore makumi maviri avakawana ari mune imwe hotera muSouth Africa nevanakomana vavo yasimudza mitauro yakawanda pamadendemutande, munhepfenyuro pamwe nemumapepanhau.
VaSolomon Tembo, avo vagara muAmerica kwemakore anodarika makumi maviri, vanoti zvakawanda zvakavasunda kuti vapinde mumakwikwi ameya aya, vachiti izvi zvinosanganisira nyaya yekusarira shure kuri kuramba kuchiita guta ravo munyaya dzebudiriro.
Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vakundikana kuenda kudare redzimhosva muSouth Africa uko vanga vachitarisirwa kutongwa nemhosva yekurova nekukuvadza zvakaipisisa mumwe musikana wemunyika iyi.
Sachigaro webato reZanu PF mudunhu reMasvingo, VaEzra Chadzamira vanoti Amai Mahofa vadonha mambakwedza vari pamba pavo, vakazoendeswa kuchipatara uko kunonzi vazoonekwa kuti vanga vatoshaya.
Bato reMDC inotungamirirwa naMuzvinafundo Welshman Ncube nemusi weChina rakabuda mumubatanidzwa wemapato anopikisa weCoalition of Democrats, kana kuti CODE, zvichitevera chisungo chakaitwa nedare remusangano uyu reNational Council.
Mapato manomwe anoti MDC-T, MDC, PDP, Zanu Ndonga, Zimbabwe People First, Transform Zimbabwe neMutiracial Democratic Party, akasaina chibvumirano chekuumba mubatanidzwa uchakwikwidzana nebato riri kutronga reZanu PF.
Asi mutauriri we PDP, VaJacob Mafume, vanoti bato ravo rakazvipira kuona kuti mubatanidzwa uyu wabudirira, richitarisirawo zvakare kuti zvinetswa zvose zvawiriranwa uye richange riri kuZimbabwe Grounds neMugovera.
Dare demakurukota remuSouth Africa rawirirana kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi zvipiwe mumwe mukana yekutsvaga mvumo yekushanda zviri pamutemo kuburikidza nekuwedzera hupenyu hwemagwaro eZimbabwe Special Permits.
Vaimbove nhengo yeMDC-T, VaThabani Tigere, vaparura bato ravo rezvematongerwo enyika idzva rinonzi Economic National Democratic Party (ENDP) muHarare.
Bato reANC muSouth Africa rinonzi riri kuronga kuti padzikwe mutemo unoderedza huwadu hwevanhu vekunze vanenge vachishanda munyika iyi.
Gwaro iri riri kutarisirwa kusainwa kumusangano mukuru unonzi uchaitwa nemusi weMugovera kunhandare yeZimbabwe Grounds mumusha weHighfields.
Munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora vanoti sebato havana kumbobvira vakaona magwaro aibva kumagweta aMuzvare Dura ane chekuita nenyaya iyi.
Sangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association kana kuti ZNLWVA nemusi weChishanu rakaita musangano nevatori venhau rikazivisa kuti harisi kuzotenda kuti hutungamiri webato reZanu-PF huiite kunge humambo hwekuti mhuri imwe chete yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ndiyo inoramba ichitonga.
Mukuru wesangano re Election Resource Center, VaTawanda Chimhini, vanoti vanhu vari muparamende havasi kuita zvido zvevanhu vakavavhotera nekuti bumbiri rakabva muvanhu .
Rodhai zvimwe