Accessibility links

Breaking News

Masvingo Yokumbira Politburo Kuti Amai Mahofa Vaitwe Gamba reNyika


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakadoma Amai Mahofa segurukota reMasvingo muna 2015.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakadoma Amai Mahofa segurukota reMasvingo muna 2015.

Gurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo Amai Shuvai Mahofa vakashaya nemusi weMuvhuro mushure mekurwara kwenguva pfupi.

Sachigaro webato reZanu PF mudunhu reMasvingo, VaEzra Chadzamira vanoti Amai Mahofa vadonha mambakwedza vari pamba pavo, vakazoendeswa kuchipatara uko kunonzi vazoonekwa kuti vanga vatoshaya.

VaChadzamira vanoti kushaya kwaAmai Mahofa kwarwadza dunhu rose reMasvingo sezvo vanga vari munhu anga achishanda zvakasimba mukusimudzira dunhu ravo.

Vanoti sedunhu, vatonyorera kare kuPolitiburo yebato ravo vachikomekedza kuti Amai Mahofa vaitwe gamba renyika, pachitariswa nhoroondo yekushandira nyika kwavakaita.

"Nebasa ravakabata mune zvematongegwe enyika ndiyo shuviro yedu. Tanyorera kudare redu guru rezvematongegwe enyika kuti vaitiwe, vapuwe national heroine status," VaChadzamira vanodaro.

Mukutanga kwegore rapera Amai Mahofa vakamhanyiswa kuchipatara chekuSouth Africa mushure mekurwara vachinzi vakanga vadya chikafu chaive nemuchetura kumusangano weZanu PF wakaitirwa kuVictoria Falls muna Zvita 2015.

Amai Mahofa vakagadzwa segurukota redunhu reMasvingo muna Kukadzi 2015 vachitsiva VaKudakwashe Bhasikiti, avo vakadzingwa muhurumende pamwe nemubato reZanu PF.

Amai Mahofa vakambovewo mutevedzeri wegurukota rinoona nezvemadzimai.

Vanonzi vakapinda mune zvematongerwo enyika kare kwazvo kusvika munguva yehondo yerusununguko apo vanonzi vaive chimbwido.

Vanga vave nemakore makumi manomwe nemashanu ekuberekwa, uye vanonzi vasiya vana vana nevazukuru vakawanda.

Vanhu vakaunga pamba pavo muMasvingo.

Hurukuro naVaEzra Chadzamira
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG