Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Votungamira MDC Alliance Musarudzo Gore Rinouya?


Mubatanidzwa weMDC Alliance unotarisirwa kubatanidza VaTsvangirai naVaBiti zvakare. (AP Photos/Collage by Ntungamili Nkomo)
Mubatanidzwa weMDC Alliance unotarisirwa kubatanidza VaTsvangirai naVaBiti zvakare. (AP Photos/Collage by Ntungamili Nkomo)

Vatungamiri vemapato manomwe ari kuita nhaurirano dzekuumba mubatanidzwa uchakwikwidzana neZanu PF gore rinouya, vawirirana kuti mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, ndivo vachamirira mubatanidzwa weMDC Alliance vachikwikwidzana naVaRobert Mugabe musarudzo yemutungamiri wenyika.

Vamiriri vemapato aya vasangana muHarare neChipiri vachigadzirisa hwaro hwekushanda vari pasi pemubatanidzwa weMDC Alliance.

Mubatanidzwa uyu ndiyo chete nzira inonzi nemapato aya anogona kukunda nawo bato riri kutonga reZanu PF.

Mapato ari muhurongwa uhwu anoti MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, MDC inotungamirwa naMuzvinafundo Welshman Ncube, People’s Democratic Party inotungamirwa naVaTenda Biti, neZimbabwe People First iyo iri kufanotungamirwa naVaAgrippa Mutambara.

Mamwe mapato arimo iTransform Zimbabwe iri kutungamirwa naVaJacob Ngarivhume, Zanu Ndonga, neMultiracial Christian Democrats.

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru weZimbabwe People First, VaKudakwashe Bhasikiti, vanoti vamwe vevatungamiri ava vakumbira kuti vambonopira zvawiriranwa pamusangano uyu kunhengo dzavo vasati vasaina gwaro remushandirapamwe.

Gwaro iri riri kutarisirwa kusainwa kumusangano mukuru unonzi uchaitwa nemusi weMugovera kunhandare yeZimbabwe Grounds mumusha weHighfield.

VaBhasikiti vanoti chimwe chasungwa mumusangano uyu ndechekuti VaTsvangirai ndivo vachakwikwidza vakamirira mubatanidzwa uyu musarudzo dzegore rinouya.

"Tese pahunomwe hwedu takanzwisisana kuti Tsvangirai anokwanisa kutungamira mubatanidzwa iwoyo. Saka tiri very clear tose kuti uchange achitungamira ndiTsvangirai, ende ndiye akambodya Mugabe. Zvino ajoinana nesu ma war veteran kuti timubvise zvachose, zvekumubvisa chaizvo," VaBhasikiti vanodaro.

Vanoti chibvumirano ichi chine mukana wekuti mamwe mapato achazoda kupinda mumubatanidzwa akasununguka kuita izvi zvisina dambudziko.

Hurukuro naVaKudakwashe Bhasikiti
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG