Munyori mukuru weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti ZEC yakoka vanyori vakuru vemapato matatu aya kuti vazeye nyaya dzinosanganisira dzekuti achatenga michina ichashandiswa pakuchengetwa kwemashoko evanhu vachanyoresa kuvhota ndiani, kudzidziswa kwevanhu maererano nekuvhota uye kwekuvhotera.