Accessibility links

Breaking News

ZESN Yokurudzira ZEC Kugadzirisa Zvinetswa Zvakabuda paSarudzo yeChiwundura By-Election


Chikwata cheZESN
Chikwata cheZESN

Sangano rinokurudzira sarudzo dzakachena munyika, reZimbabwe Election Support Network, ZESN, rinoti pane zvakawanda zvinofanirwa kugadziriswa neZimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuitira kuti vanhu vave nechivimbo nesarudzo dzemunyika.

Izvi zvinotevera sarudzo yekutsvaga mumiriri weChiwundura mudare reparamende, iyo yakaitwa neMugovera.

Zanu PF ndiyo yakakunda musarudzo iyi.

ZESN inoti yakaona kuti paishandiswa magwaro evavhoti maviri musarudzo iyi, rimwe rakashandiswa musarudzo dzemuna 2013, nerimwe rakazonyorwa mumashure (supplementary voters’ roll).

Zvimwe zvinonzi nesangano iri zvinoda kugadziriswa inyaya yekuti vanhu vawane dzidziso izere pamusoro pesarudzo, richiti kudzoserwa kudzimba kwevanhu vakawanda vaida kuvhota asi vasina zvinodiwa zvose chiratidzo chekuti pakanga pasina dzidziso yakakwana.

Imwe nyaya ndeyevanhu vane mazita akafanana, vakazvarwa zuva rimwe chete uye panzvimbo imwe chete asi vozosiyana nhamba dzezvitupa.

Sachigaro veZESN, VaAndrew Makoni, vanoti zviitiko zvakadai kana zvisina kugadziriswa neZEC zvinoita kuti vanhu vasave nechivimbo nayo.

Studio 7 yakundikana kunzwa kuZEC pamusoro pezvinyunyuto zvasimudzwa neZESN izvi.

VaBrown Ndlovu veZanu PF vakawana mavhoti 9426, vachiteverwa naVaTakudzwa Guzete veNCA vakawana mavhoti 445, kwozoti VaBrighton Mudzviti veFree Zim Congress 145 naVaWebster Zulu vePDZ vachiwana mavhoti 118.

Vanhu vanodarika zviuru makumi mana vakanga vakanyoresa kuvhota musarudzo idzi, asi vakazokwanisa kuvhota vanosvika zviuru gumi nemazana matatu ane makumi maviri nemumwe chete.

Mutauriri webato reNCA, VaMadock Chivasa, vaudza Studio 7 kuti sebato vari kugutsikana nemafambiro akaita sarudzo idzi, uye zvavakawana.

Hurukuro naVaAndrew Makoni
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG