Accessibility links

Breaking News

America Inocherechedza Makore Mazana Maviri neMakumi Mana neRimwe eKuzvitonga


Zvizvarwa zveAmerica zvichi cherechedza zuva rekuwana kuzvitonga
Zvizvarwa zveAmerica zvichi cherechedza zuva rekuwana kuzvitonga

Zvizvarwa zveAmerica zvapemberera kusvitsa makore mazana maviri nemakumi mana ane rimwe nyika iyi yawana kuzvitonga kubva kuBritain, uko kwakawanikwa musi wa 4 Chikunguru 1776.

Vanhu vanopemberera zuva iri nekuita mabiko pamwe nemitambo yakasiyanasiyana nyika yose.

Mutungamiri weAmerica wechimakumi mana neshanu, VaDonald Trump, vanga vachitarisirwa kucherechedza zuva iri nekuita mabiko pamuzinda wavo weWhite House ayo vanga vachidya pamwe nemhuri dzemauto vachizopedzisa nekuona ma fireworks.

VaTrump vatumirawo mashoko kuvana venyika yavo ekuvashuvira zuva rakanaka.

Mapurisa mumaguta mazhinji ematunhu ose enyika anonzi akagadzirira zvakasimba kudzivirira njodzi dzingangoitika pazuva iri, dzinosanganisira dzekurwiswa nevanopfurikidza mwero.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa pa Amherst College ku Massachusetts, Doctor Chipo Dendere, vanoti chinoita kuti America iwe nyika yakasiyana nedzimwe hahusi upfumi hwayo kwete, asi kuti vanhu vayo, avo vanogona kugarisana nevauyi munyika yavo.

Doctor dendere vanoti izvi zvinogona kuitwa nevana veZimbabwe kana chete hurumende yakazvipira kushanda nevanhu vose zvine jekerere.

"I think kuZimbabwe vanhu chavari kuda kunyanyisa kuona ndechekuti hupenyu hwevanhu hahufanirwe kuramba huchidzokera kumashure. Nekuti taakutoona kuti patakanga tiri 1980 nepatave nhasi, ehe zviripo hazvo zvakanaka zvaitika, asi, vazhinji vedu vari kutambura," vanodaro Doctor Dendere.

Vanotiwo vanobvumirana nevanhu vanoti zvizvarwa zveAmerica zvinoda nyika yazvo zvakanyanya kudarika zvinoitwa nezvizvarwa zvedzimwe nyika, Doctor Dendere vanoti vanowirirana nemaonero iwayo.

Asiwo vanoti kubva gore rapera pakatanga vana veZimbabwe kupembedza mureza wenyika, zvinhu zvashanduka zvikuru.

Hurukuro naDoctor Chipo Dendere
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG