Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yoshora Zanu PF Zvichitevera Kupasiswa kweBhiri Rinovandudza Bumbiro reMitemo


Kuvhurwa kwedare reparamende
Kuvhurwa kwedare reparamende

Bhiri rekuvandudza mutemo wekudomwa kwevatongi vematare rekutanga kana kuti Constitutional Amendment Bill (Number One) rakabudirira neChipiri manheru mudare reparamende repasi.

Izvi zvave kureva kuti bhiri iri rave kuenda kudare repamusoro reseneti, uko rinotarisirwa zvakare kubudirira pachitariswa huwandu hwenhengo dzeZanu PF mudare iri.

Nhengo dzeparamende zana nemakumi masere nembiri dzakavhotera kuti bhiri iri ribudirire, makumi mana neimwe dzichiripikisa.

Bhiri iri rakabudirira zvinenge zvave kureva kuti mutungamiri wenyika, ndiye anenge ave nemasimba ekudoma mutongi mukuru wematare edzimhosva, kana kuti Chief Justice, mutevedzeri wake, pamwe nemutungamiri wevatongi, kana kuti Judge President.

Asi mutauriri webato rinopikisa reMDC-T, VaObert Gutu, vanoti vanoti danho rakatorwa neparamende iri rinodzosera shure hondo yekurwira kuti munyika muve nehutongo hwejekerere.

VaGutu vanoti sebato, vanoshora zvikuru mafambisirwo akaitwa bhiri iri sezvo raifanirwa kunge riine chikamu chinoita kuti mutungamiri wenyika kana achinge osarudza vatongi anofanirwa kunge achishanda pamwe neboka reJudicial Service Commission.

Nyanzvi mune zvemutemo uye vachidzidzisa paKent University kuUnited Kingdom, Doctor Alex Magaisa, vanotiwo zvinhu zvino shungurudza kwazvo kuti paramende yakapasisa bhiri rekuti mutemo uyu ushandurwe.

Doctor Magaisa, avo vaive chipangamazano chaVaMorgan Tsvangirai muhurumende yemubatanidzwa, vanoti danho iri rinodzosera kumashure budiriro yakanga yaitwa kubva pakaumbwa bumbiro remitemo idzva, sezvo richidzosera simba kumunhu mumwe chete sezvaiitika kare.

"Zvino shungurudza zvikuru nekuti bumbiro remitemo ranga rakagadzirwa iro kuti kusarudzwa kwevatongi vematare edzimhosva kunge kuri pachena, kunge kuine vanhu vakawanda vanobata basa racho kuti ndiani achagara pachinzvimbo.

"Zvino kana simba iri rakadzoserwa kumunhu mumwe chete, kuna president sezvaitika izvi, zvinoreva kuti tadzokera kwatakanga tiri kwataiti hakuite," vanodaro Doctor Magaisa.

Vanoti zvinhu zvinoshungurudza kwazvo kuti paramende yakapasisa mutemo uyu kuti uchinjwe, vachiti vave kutyira kuti bato reZanu PF nehuwandu hwaro muparamende rinogona kuzongoramba roshandisa nzira iyi kuvandudza mitemo sezvarakaita pabumbiro remitemo rekare, iro rakasara rangove zvigamba-zvigamba.

Hurukuro naDoctor Alex Magaisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG