Accessibility links

Breaking News

Zanu PF neMDC-T Dzopesana Maonero paNyaya yeMashandiro eZEC


ZEC inonzi yakazivisa kuti haisi kukwanisa kuzotara miganhu yematunhu sarudzo dzisati dzaitwa
ZEC inonzi yakazivisa kuti haisi kukwanisa kuzotara miganhu yematunhu sarudzo dzisati dzaitwa

Boka rinotungamira sarudzo munyika, reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, rinonzi rakazivisa kuti harisi kuzocheka miganhu mitsva yekushandisa musarudzo dzegore rinouya nekuda kwekuti nguva yapera.

ZEC inonzi yakazivisa kuti yatora danho iri nekuda kwekuti hurongwa hwekunyoresa vanhu patsva kuti pave negwaro revavhoti idzva hunotarisirwa kupera muna Zvita wegore rino, izvo zvinozoita kuti isare isina nguva yakakwana yekutara miganhu yematunhu kana kuti delimitation.

Izvi zvinenge zvoreva kuti ZEC inenge yoshandisa miganhu yakashandiswa musarudzo dza 2008.

Bumbiro remutemo wenyika rinoti miganhu iyi inofanirwa kuitwa pachishandiswa zvinenge zvabuda mukuverengwa kwevanhu kana kuti census.

Kuverengwa kwevanhu kwekupedzisira kwakaitwa muna 2012, asi miganhu haina kutarwa, zvinoreva kuti miganhu yakashandiswa musarudzo dza 2008 yaitevera zvakabuda mukuverengwa kwevanhu kwakaitwa muna 2002.

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti vari kukahadzika zvikuru nemafambisirwo ari kuitwa basa neZEC, vachiti vari kunzwa kuti michina yeBVR inoita mazana mana chete ndiyo iri kutarisirwa kusvika munyika muna Gunyana, zvichireva kuti pachazosvika michina yose munyika nguva inenge yapera.

VaGutu vanoti vanofunga kuti ZEC iri kunonoka nekuda kana kuita maune, vachiti hazvishamisi kuti mangwana inogona kumuka yoti yave kushandisa gwaro revavhoti rakaitwa nehofisi yamabharani mukuru.

"Isu tinoona sekunge chinono chiri kuitwa ichi une, vari kuita deliberate. Hazvitombotishamisi futi kana vakazoti kwarakwashu, BVR yanonoka, ngatidzokereyi ku voters' roll yaMudede," VaGutu vanodaro.

Asi VaMunyaradzi Paul Mangwana vanove nhengo yeCentral Committee uye vachimirira Zanu PF munyaya dzesarudzo, vanoti sebato reZanu PF vane chivimbo chakasimba nemabatirwo ari kuitwa basa ne ZEC.

"Handiti munoziva kuti vanhu vagara vachidyiwa ma election vanongogara vachingotya kudyiwa. Isusu tinoti mapazi anenge apiwa mabasa ngaaite nemwoyo wese," VaMangwana vanodaro.

Hurukuro naVaObert Gutu pamwechete naVaMunyaradzi Paul Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG