Accessibility links

Matekisi Anoshanda Ari Pasi peUber muSouth Africa Okonzeresa Mutauro

  • Jonga Kandemiiri

Motokari yemutyairi weUber ichibvira mushure mekupiswa nevematekisi ane mita muSouth Africa

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvinoshandisa motokari dzazvo kutakura vanhu pasi pekambani yeUber muSouth Africa zvinoti hondo yekurwira vanhu iri pakati pevematekisi neveUber yave kuita kuti vakundikane kubhadhara zvikwereti zvemotokari dzavo, uyewo kuti vawane chekuraramisa mhuri dzavo.

Mumwe wevanoshandaisa motokari yavo vari pasi pe Uber, VaAlosi Ndlovu, vanoti kunetsana pakati pemapoka maviri aya kwave kukanganisa hupenyu hwemhuri dzakawanda dzanga dzichirarama nekutakura vanhu nedzimotokari dzavo.

VaNdlovu vanoti vazhinji vevatyairi ava vakakwereta dzimotokari dzavari kuzobhadhara mwedzi wega wega.

VaNdlovu vanoti vanofungidzira kuti zvikamu zvingada kusvika kumakumi mapfumbamwe kubva muzana zvevatyairi vedzimotokari dzeUber zvizvarwa zveZimbabwe.

Svondo rino mumwe mutyairi weUber akashayira muchipatara mushure mekunge apiswa nevematekisi ane mita mwedzi wapera mushure mekurwira mabasa.

NeMuvhuro svondo rino vakuru veUber muSouth Africa vanonzi vakakumbira kusangana negurukota rinoona nezvemapurisa kuti vaedze kutsvaga nzira dzekugadzirisa dambudziko iri.

Hondo dzevematekisi nevemichovha muSouth Africa dzinonzi dzagara dziripo, asi kurwiswa kweUber kwanga usati kwasvika pachinhanho chakadai.

Munyika dzakawandawo, Uber iri kutarisana nematambudziko ekuramba kutambirwa nevamwe vari mubhizimusi rekutakura vanhu iri.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG