Accessibility links

Vaimbove Mutauriri weMDC-T kuManicaland, VaMuchauraya, Vanodzoka "Kumusha"

  • Jonga Kandemiiri

VaPishai Muchauraya

Vaive Mutauriri webato reRenewal Democrats of Zimbabwe, VaPishai Muchauraya, vabuda mubato iri vachidzokera kubato ravakatanga vari reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

VaMuchauraya vakadzingwa muMDC-T muna Kurume 2014 vachipomerwa mhosva yekusateerera uye kusaremekedza musangano.

Asi vanoti kunyange hazvo vakanga vazoenda kune mamwe mapato akaumbwa nevamwe vavakabuda navo muMDC-T, vakaona zvakakosha zvikuru kuti vadzokere kubato ravakakura naro.

VaMuchauraya vanotiwo chimwe chikuru chakaita kuti vadzoke kuMDC-T vanhu vakawanda vainge vachivakurudzira kudzokera kubato iri.

"Chikonzero chaita kuti ndidzokere kunaVaTsvangirai kana kuti kuMDC-T inyaya yekuti vanhu ndozvavanga vachitaura, especially vazhinji vanhu vetinogarisana navo vanga vari vatsigiri, nema views evanhu vakawanda munyika venge vachitaura kuti zviri nani tiite chinhu chimwechete tione kurwise Zanu PF.

"Saka inini ndakaona sekunge Tsvangirai ndiye munhu ane mukana mukuru wekurwisana naMugabe," VaMuchauraya vanodaro.

VaMuchauraya vakatora mukana wemusangano wevechidiki wakaitwa kuChipinge neMugovera wapera kuti vazivise nezvekwavanoti kudzoka kwavo kumusha.

Vanotiwo havasi kudzokera kuMDC-T nekuti vari kuda chigaro kana mari kwete, vachiti kubato reRenewal Democrats of Zimbabwe vaiwana zvose zvavanoda asi pasina tarisiro yekuti bato iri ringabvisa mutungamiri weZanu PF VaRobert Mugabe pachigaro.

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti sebato vanotambira nemufaro danho rakatorwa naVaMuchauraya rekudzoka kumusha, vachiti VaMuchauraya munhu anozivikanwa zvikuru nekushandira musangano, izvo vanoti zvichabatsira bato ravo mukutsvaga rutsigiro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG