Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoti Hurongwa hweKunyoresa Kuvhota Huchatora Mwedzi Miviri neChidimbu


ZEC inonzi yawiriranawo nemapato ezvematongerwo enyika kuti vanhu vachakwanisa kunyoresa kuvhota vari chero kwavanenge vari.
ZEC inonzi yawiriranawo nemapato ezvematongerwo enyika kuti vanhu vachakwanisa kunyoresa kuvhota vari chero kwavanenge vari.

Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, yaita musangano wekuzivisana pasvika zvinhu munyaya dzesarudzo nevamiriri vemapato matatu ane nhengo muparamende, pamwechete mamwe maviri akakwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika.

Vanyori vakuru vemapato anoti reZanu PF, MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, uyewo reZAPU nereZimbabwe Development Party, vamirira mapato avo mumusangano uyu.

Munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti musangano uyu wabudirira zvikuru sezvo vakwanisa kukurukura nekuwirirana dzimwe dzenyaya dzavanoti dzanga dzichinetsa, dzakaita sekunyoresa kwevanhu kuti vazokwanisa kuvhota.

Vanoti vawirirana kuti munhu anokwanisa kunyoresa kuvhota ari chero kwaari, zvisineyi nekuti anozovhota ari kupi.

Vanoti vawiriranawo kuti mapato ezvematongerwo enyika ave nechekuita nekudzidziswa kwevanhu nezvesarudzo vashingakanganiswi nemapurisa.

Panyaya yekuti ndiani achatenga michina yekuchengetera mashoko, VaMwonzora vanoti ZEC yavazivisa kuti michina iyi yakatengwa nesangano reUnited Nations Development Program, UNDP.

Nyaya yavanoti isina kupera kuzeyiwa ndeyekuti vari kunze kwenyika vabvumidzwe kuvhota vari munyika dzavagere, iyo vati vachakwidza kudare repamusorosoro.

ZEC inonzi yazvisiwo kuti iri kutarisira kuti vanhu mamiriyoni manomwe ndivo vachanyoresa kuvhota musarudzo, uye hurongwa uhwu huchatora mwedzi miviri nechidimbu.

Hurumende inonzi yapawo ZEC mari inosvika mamiriyoni manomwe emadhora yekuti boka iri rikwanise kutenga michina yekunyoresa vavhoti ye biometric voter registration kit kana kuti BVR inoita zviuru zvitatu.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG