Accessibility links

Breaking News

Nyika Dzakawanda Dzinotsigira Kurambidzwa kweZvombo zveNuclear Pasi Rose


Rudzi rwechimwe chombo che nuclear
Rudzi rwechimwe chombo che nuclear

Nyika zana nemakumi maviri neina pamwe nemasangano akazvimirira, dzinonzi dzakasangana kumuzinda weUnited Nations kuNew York, muAmerica vachizeya pamusoro pematanho angatorwa ekumisa kushandiswa kwezvombo zve nuclear.

Nyika zana nemakumi maviri nembiri dzinonzi dzakavhota dzichitsigira kuti pave nemutemo unorambidza kushandiswa kwezvombo izvi, nyika imwe chete yakapokana nedanho iri, uye imwe chete yakasapinda musarudzo idzi.

Nyika dzinonzi dzaitungamira hurongwa uhwu dzinosanganisira Austria, Brazil, Mexico, South Africa, neNew Zealand.

Nyika pfumbamwe dzinozivikanwa sedzine zvombo zve nuclear dzinoti America, Russia, Britain, China, France, India, Pakistan, North Korea, neIsrael dzinonzi hadzina kupinda mumusangano uyu.

Sangano reWorld Council of Churches nderimwe remasangano akazvimirira agara achishanda nedzihurumende mukuda kuona kuti kumiswa kwekushandiswa kwezvombo izvi kwabudirira.

Nhengo yesangano reWorld Council of Churches yakabva kuZimbabwe, VaMasimba Kuchera, ndemumwe wevanhu vakanga vari pamusangano uyu ku New York.

VaKuchera vanoti chisungo ichi chichabatsirawo nyika dzakaita seZimbabwe, nedzimwe duku mukuona kuti zvombo izvi hazvizopindi munyika idzi here kuburikidza nenyika dzinazvo, idzo dzinogona kubhadhara mari kuti dziedzere zvombo zvadzo munyika idzi.

Vanoti chisungo ichi chinorambidza nyika dzakaisa runyoro rwadzo pagwaro iri kugadzira, kuedza, kuve nezvombo izvi, kanawo kutyisidzira kuti dzinokwanisa kuve nezvombo zve nuclear izvi.

Mushure mekutambirwa nesangano reunited Nations, chisungo ichi chinofanirwa kuzotambirwa nenyika makumi mashanu kuti uchive mutemo unoteverwa pasi rose.

Asi dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti hadzioni kusimba kwechisungo ichi, kana kuzoremekedzwa kwemutemo uyu zvichitevera kusavepo kwenyika dzakabudirira dzine zvombo izvi.

Hurukuro naVaMasimba Kuchera
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG