Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yoshora VaChombo neMashoko avo eKuti MDC-T Yakapisa Yoga Motokari Yayo


Gurukota rezvemukati menyika Doctor Ignatius Chombo.
Gurukota rezvemukati menyika Doctor Ignatius Chombo.

Bato rinopikisa reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai riri kushora zvikuru gurukota rinoona nezvemukati menyika Doctor Ignatius Chombo, zvichitevera mashoko avanonzi vakataura aburitswa nebepanhau reHerald, ekuti bato iri ndiro rakapisa roga motokari yaro kuKuwadzana mambakwedza emusi weChina.

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu vanoti zvinokatyamadza kuti Doctor Chombo ndivo gurukota rinoona nemashandiro emapurisa, zvichireva kuti havafanirwe kungotaura zvisina maturo iwo mapurisa asati apedza kuferefeta nyaya.

Mashoko aDoctor Chombo aya ashorwawo zvikuru nesangano reZimbabwe Peace Project, ZPP, iro rati rakatyamadzwawo. ZPP inoti mashoko aVaChombo aya anogona kukanganisa kuferefetwa kwenyaya yekupiswa kwemotokari iyi, sezvo vari ivo gurukota rezvemukati menyika.

Sangano iri rinoti kunyange hazvo Doctor Chombo vaine nguvani mbiri, imwe yekuona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF, mashoko avo aya anogona kukonzera mhirizhonga.

VaGutu pamwe chete neZPP vanoti vari kukurudzira kuti vakuru-vakuru muhurumende vasangotaura mashoko anogona kusimudza kusagadzikana mune zvematongerwo enyika.

VaChombo Vakaudza bepanhau reHerald kuti vanofunga kuti kupiswa kwemotokari yeMDC-T kwakaitwa nebato iri senzira yekutsvaga kunzwirwa tsitsi, sezvo bato iri risina kugadzikana uye rakatarisana nekukundwa musarudzo dzichauya.

Asi VaGutu vanoti, "Zvave kutaridza izvo kuti zvatinofungidzira kuti motokari yedu yakapiswa nema thug eZanu PF, ndicho chokwadi. Nekuti deno changa chisiri chokwadi, VaChombo vaigomhanyira chii kuda kuvhara nyaya vachiti i inside job."

Studio 7 yakundikana kunzwa kubva kuna Doctor Chombo sezvo nharembozha yavo yanga isiri kudairwa.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG