Accessibility links

Bato reNCA Rogutsikana neGadziriro dzeChiwundura By-Election

  • Jonga Kandemiiri

Bato reNCA rinotungamirirwa naProfessor Lovemore Madhuku nderimwe riri kupinda musarudzo dzeChiwundura by-election

Bato rinopikisa reNational Constitutional Assembly, NCA, rinoti riri kufadzwa nemafambiro ari kuita gadziriro yaro yesarudzo dze by-election dzekutsvaga achamirira dunhu reChiwundura mudare reparamende, idzo dziri kutarisirwa kuitwa nemusi weMugovera 15 Chikunguru.

Mutauriri weNCA, VaMadock Chivasa vanoti chiri kunyanya kuvafadza ndechekuti humuna mhirizhonga, sezvinomboitika kune mamwe matunhu anenge achiitwa sarudzo dzerudzi urwu.

VaTakudzwa Guzete ndivo vachakwikwidza vakamirira bato reNCA musarudzo idzi.

Asi VaChivasa vanoti vari kutsutsumwa nekubvarurwa kwemapepa avo ekutsvagisa rutsigiro nevatsigiri veMDC-T, zvikuru mumisha yemuguta reGweru.

Vanoti chinovashamisa ndechekuti mapepa avo avakasungirira kumapurazi akagariswa vanhu patsva, kunove nevatsigiri veZanu PF vakawanda haasi kubviswa.

Asi mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu varamba mashoko aya vachiti bato ravo harineyi nekubvarurwa kwemapepa uku, sezvo risineyi nesarudzo idzi.

VaGutu vati vanhu vanogona kunge vari kubvarura mapepa aya vanogona kunge vari vatsigiri veZanu PF vari kuita izvi vakapfeka nhumbi dzebato ravo.

Masangano akazvimirira anosanganisira reZimRights ari kuita zvirongwa zvakasiyanasiyana zvekukurudzira kuitwa kwesarudzo madunhu reChiwundura murunyararo.

Mukupera kwesvondo, sangano reZimRights rakaita mitambo yebhora, uye rakakokawo vakuru veboka reZEC kuti vataure pamitambo iyi.

Chigaro cheChiwundura chakasara chisina munhu zvichitevera kushaya kwaVaKizito Chivamba vaive veZanu PF.

Mamwe mapato ari kupinda musarudzo idzi anoti reZanu PF iro riri kumirirwa naVaBrown Ndlovu, reFree Zimbabwe Congress, nereProgressive Democrats of Zimbabwe, PDZ.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG