Accessibility links

Ongororo yeAfrobarometer Yoti Zanu PF Ine Mukana weKukunda Musarudzo

  • Jonga Kandemiiri

Afrobarometer

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika inoti haifungi kuti ongororo ye Afrobarometer yekuti ndiani mutungamiri anodiwa nevanhu zvakanyanya munyika, iyo yakaburitsa kuti vakawanda vaizovhotera mutungamiri weZanu PF pamberi pemutungamiri weMDC-T, inoratidza chokwadi chemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe munyaya dzezvematongerwo enyika.

Doctor Takavafira Zhou, avo vanotungamira sangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, vanoti zviri pachena kuti vanhu vanotya kutaura kana kushoropodza mutungamiri weZanu PF varizve mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe pane vatungamiri vemapato anopikisa vakaita saVaMorgan Tsvangirai.

Ongororo iyi, iyo yakaitwa mukupera kwaNdira kusvika pakati paKukadzi yakazoburitswa pakati paChivabvu, yakaitwa ichi tungamirwa nesangano reMass Public Opinion Institute uye pakabvunzwa vanhu chiuru nemazana maviri.

Pavanhu ava, zvikamu makumi matatu nezvisere kubva muzana zvakati zvinovhotera mutungamiri weZanu PF, zvikamu gumi nezvisere kubva muzana zvichiti zvinovhotera mutungamiri weMDC-T kana sarudzo dzakanzi dziri kuitwa mangwana.

Zvikamu zvina kubva muzana ndizvo zvakati zvaizovhotera mutungamiri weZim-PF, zviviri zvichiti pamwe mapato, kuchitiwo makumi maviri nezvina kubva muzana zvakaramba kupindura mubvunzo.

Zvikamu gumi nechimwe kubva muzana ndizvowo zvakati zvakanga zvisingavhoti, kuchitiwo zvishanu kubva muzana zvichiti zvakanga zvisingazivi.

Doctor Zhou vanoti ongororo dzakadai dzinoshanda chete munyika dzine hutongi hwejekerere, kwekuti vanhu vanokwanisa kutaura vasingatyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG