Accessibility links

Breaking News

Makanzura eChitungwiza Akambomiswa Basa Omiswa Pamberi peDare reTribunal


VaKasukuwere vakambomisa makanzura eChitungwiza basa vachivapomera mhosva yehuwori
VaKasukuwere vakambomisa makanzura eChitungwiza basa vachivapomera mhosva yehuwori

Makanzura ekuChitungwiza makumi maviri nemashanu akambomiswa basa achipomerwa mhosva yekuita zvehuwori, atanga kumiswa pamberi pedare rakagadzwa negurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaSavior Kasukuwere, kuti rinzwe nyaya dzaari kupomerwa.

Dare iri rinotarisirwa kupeta basa raro musi wa 29 Gunyana.

Makanzura aya, kusanganisirawo nameya weChitungwiza, VaPhilip Mutoti, vari kupomerwa mhosva yekusashandisa mari yekanzuru nemazvo, uyewo kuzvipa nzvimbo dzekuvakira dzimba dzinokosha mamiriyoni manomwe emadhora zviri kunze kwemutemo.

Zvichitevera kumiswa kwemakanzura aya basa, VaKasukuwere vakadoma komisheni ine vatatu inotungamirwa naVaMadzudzo Pawadyira kuti ifanofambisa basa mukanzuru iyi.

Asi vagari vari kunyunyuta kuti havana zvikuru zvavari kuona zviri kuitwa nekomisheni yaVaMadzudzo iyi, sezvo zvinhu zviri kutoenderera mberi zvichiwondomoka mukanzuru.

Mukuru wesangano revagari vemuChitungwiza, reChitungwiza Residents Trust, VaMarvelous Kumalo, vanoti havatarisiri kuti makanzura aya anopiwa mutongo wakajeka sezvo dare iri rakaumbwa naVaKasukuwere, vanove zvakare ivo mumhan’gari munyaya iyi.

VaKumalo vanotiwo makanzura aya aifanirwa kumiswa pamberi pedare iri mukati memazuva makumi mana nemashanu vamiswa basa, asi izvi hazvina kuitika, zvichireva kuti vagari vakatorerwa kodzero yavo yekuve nevanovamirira.

Hurukuro naVaMarvelous Kumalo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG