Accessibility links

MDC-T Yopomera Zanu PF Mhosva yeKubatsira Vanhu Kunyoresa Kuti Vazovhota

  • Jonga Kandemiiri

Mabharani mukuru VaTobaiwa Mudede

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai iri kupomera Zanu PF mhosva yekubatsira vanhu kuti vanyorese kuzovhota kuMarondera vachishandisa hofisi yekwamabharani mukuru kana kuti Registrar-General.

Sachigaro weMDC-T mudunhu reMashonaland East, VaPiniel Denga, vanoti bato ravo rine humbowo hwekuti nhengo dzeZanu PF dziri kupiwa matsamba pamahofisi ebato iri muMarondera adziri kuzoenda nawo kumahofisi ekwamudzviti kuti dzigozokwanisa kunyorwa mugwaro revavhoti sevanhu vakanonoka kunyoresa, kana kuti late entry registration.

VaDenga vanoti vari kushamiswa nedanho iri sezvo Zimbabwe Election Commission yakazivisa kuti ichaparura hurongwa hutsva hwekunyoresa vavhoti, isingashandise gwaro raivepo kare rakaumbwa nevekumahofisi amabharani mukuru.

Bato reMDC-T riri kuchemawo nehurongwa hunonzi huri kuitwa nehofisi yamabharani mukuru hwekupa mukana wekutora zvitupa pamwe nemagwaro ekuzvarwa kune vechechi yeJohane Marange, richiti hurongwa uhwu huri kuitirwa kupa Zanu PF mukana wekubira sarudzo.

Asi mabharani mukuru, VaTobaiwa Mudede vakaramba mashoko ekuti vari kubatsira bato reZanu PF, vachiti hofisi yavo iri kutevera bumbiro remutemo wenyika wekuti munhu wese anofanirwa kuwaniswa chitupa kana gwaro rekuberekwa, zvisineyi nesarudzo dziri kutarisirwa gore rinouya.

Studio7 yakundikana kubata hutungamiri hweZanu PF kuMarondera kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG