Accessibility links

Bato reMDC Inotungamirirwa naMuzvinafundo Ncube Rinobuda muCODE

  • Jonga Kandemiiri

Muzvinafundo Welshman Ncube vakapinda mumubatanidzwa naVaMorgan Tsvangirai

Bato reMDC inotungamirirwa naMuzvinafundo Welshman Ncube nemusi weChina rakabuda mumubatanidzwa wemapato anopikisa weCoalition of Democrats, kana kuti CODE, zvichitevera chisungo chakaitwa nedare remusangano uyu reNational Council.

Mutauriri weMDC, VaKurauone Chihwayi vanoti National Council yebato ravo yakasunga kuti MDC ipinde mumubatanidzwa mutsva weMDC Alliance, uye kuti bato iri ribude muCODE.

Varambawo mashoko ari kutenderera ekuti bato ravo rakaita zvekudzingwa mumubatanidzwa uyu nezvikonzero zvekuti rakapinda muMDC Alliance.

VaChihwayi vanoti neMuvhuro svondo rino bato ravo rakasvitsa gwaro rekubuda mumubatanidzwa uyu kuna sachigaro weCODE mumwedzi uno, VaTendai Biti, vanove mutungamiri webato rePeople’s Democratic Party kana kuti PDP.

VaBiti vatenda kuti vakatambira gwaro rekubuda kweMDC mumubatanidzwa wavo, vakatiwo vakatambira kubuda kwebato iri.

Vatiwo kubuda kweMDC uku hakuna zvakunokanganisa mubatanidzwa wavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG