Accessibility links

Sangano reMDC-T Veterans Activist Association Roremekedza Mushakabvu Rebbecca Mafukeni

  • Jonga Kandemiiri

Vechidiki veMDC-T vakatakura bhokisi raMuzvare Rebecca Mafukeni, avo vakafira mujeri reChikurubi muna 2011.

Sangano reMDc-T Veteran Activists Association nemusi weMugovera riri kuisa dombo paguva remumwe wevechidiki vebato iri vakashaya, Muzvare Rebecca Mafukeni, avo vakashaya muna 2013 vari muhusungwa kujeri reChikurubi.

Muzvare Mafukeni vakaradzikwa kumarinda eWarren Hills muHarare.

Muzvare Mafukeni vakanga vari mumwe wevechidiki vebato reMDC-T makumi maviri nevapfumbamwe vakasungwa muna 2011 vachipomerwa mhosva yeponda mumwe mupurisa mumusha weGlen View muHarare.

Mutewedzeri wemunyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano reMDC-T Veteran Activists Association, VaCollin Chavengwa, avo vanonyanyozivikanwa nerekuti Chanza, vanoti vatora danho iri senzira yekuyeuka nayo nhengo dzebato ravo dzakafira mumaoko ehurumende yeZanu PF.

VaChanza vanoti sangano ravo riri kubatsirawo nekubhadhara mari dzechikoro dzevana venhengo dzebato ravo dzakashaya pamwe nekubatsirawo madzimai enhengo idzi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG