Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe, Solomon Tembo, Chokwikwidza muSarudzo dzaMeya kuPennsylvania


VaSolomon Tembo
VaSolomon Tembo

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica svondo rapera chakakandawo zita racho munguwani kuti chipindewo musarudzo dzekutsvaga meya weguta reAllentown riri mudunhu rePennsylvania idzo dzichaitwa musi wa 7 Mbudzi gore rino.

VaSolomon Tembo, avo vagara muAmerica kwemakore anodarika makumi maviri, vanoti zvakawanda zvakavasunda kuti vapinde mumakwikwi ameya aya, vachiti izvi zvinosanganisira nyaya yekusarira shure kuri kuramba kuchiita guta ravo munyaya dzebudiriro.

Vanoti aka hakasi kekutanga kuda kukwikwidza musarudzo dzameya, sezvo makore mana adarika vaida kukwikwidza asi vadzimai vavo ndivo vakavati vambomira.

"Semunhu agara muno, eeh, muAllentown, ndaona zvinhu zvakawanda zviri kuitika zvandinoona kuti zvimwe zvacho hazvisi fair kune vamwe avo vanotambura vasingakwanisi kuwana mabasa nezvimwe zvakati oo," VaTembo vanodaro.

VaTembo vanoti vane zvakawanda zvavanoda kugadzirisa kana vakasrudzwa sameya, zvinosanganisira kuwaniswa kwemabasa, kufambiswa kwemabasa ekanzuru zvakanaka, uye kushanda nemazvo kwemapurisa achi remekedza kodzero dzevanhu.

Solomon Tembo
Solomon Tembo

Vanoti vagari vakawanda vemuAllentown vanonoshanda kunze kweguta nenyaya yekushaikwa kwemabasa muguta ravo.

Chimwe chavanoti chavanoda kubatsira nacho vanhu kana vakasarudzwa inyaya yedzimba dzinowirirana nemari dzavanowana, vachiti dziri kuvakwa pari zvino dziri kudhurira vagari.

VaTembo vanotiwo zvakare nyaya yedzidzo ndechimwe chezvinhu zviri kuvasunda kuti vapinde mudariro, vachiti vachakurudzira kuitwa kwezvidzidzo zvinopa pundutso nebudiriro kana vakasarudzwa sameya.

VaTembo, avo vane makore makumi mashanu nemana ekuberekwa, vakaberekerwa kuKadoma mudunhu reMashonaland West, uye zvematongerwo enyika vakazvitanga kare kwazvo vachiri mudiki vachiona kubva kuna baba vavo, avo vanoti vaimirira vanhu pamwe nekushandira vanhu.

"Baba vangu vakanga vari mu politics nanaKidius (vaive meya weKadoma nguvayo). Ndakadzidza zvakawanda kubva kwavari because vakanga vari baba vaida kumirira vanhu, vaida kushandira vanhu. Saka ndaifamba navo ndiri kamwana kadiki ndichiona zvavakanga vachiita".

Vanoti pavakazopinda muAmerica vakatomboda kuita zvidzidzo zvematongerwo enyika, asi vakazozvisiya votevera zvemabhizimusi.

Asi izvi hazvina kuita kuti vasiyane nezvematongerwo enyika, sezvo vachiti vakachishanda zvakasimba kubatsira vaikwikwidza mune zvematongerwo enyika vanosanganisira meya veAllentown pari zvino, VaEd Pawlowski.

Vanoti vachakwikwidza vakazvimirira sezvo mapato ezvematongerwo enyika aratidza kuti ari kukundikana kugadzirisa matambudziko evagari vemuAllentown.

VaTembo vanoti chikuru chinofanirwa kuitwa nevanenge vachizoda kumirira vanhu mune remangwana kuvimbisika.

"Chikuru chandingataure ndechekuti kana uri munhu anoda kupinda mumatongerwo enyika, unofanirwa kunge uri munhu akavimbika, unofanira kunge uri munhu anoda kubetsera vanhu, unofanira kunge uri munhu anoshandira vanhu nesimba. Haungapinde mumatongerwo enyika uri munhu anoda kupinda for your political reasons kana for your own benefit wakupedzisira wakutora mari dzevanhu dzawaifanira kunge uchivaka zvipatara, zvikoro, medicine, zvakawandawanda, wakuisa muhomwe," VaTembo vanodaro.

Vanotiwo sezvo makwikwi avakapinda aya achida mari yakawanda yekushandisa mukutsvaga rutsigiro, vari kuitawo zvirongwa zvakasiyanasiyana zvekuunganidza nazvo mari, zvinosanganisira kupemha kubva kune zvizvarwa zveZimbabwe zvinokwanisawo kubatsira.

Vamwe vari kukwikwidzana naVaTembo ndaVaPawloski vebato reDemocratic Party, VaJohn Richard Ingram vakazvimirirawo, pamwe naVaNat Hyman vebato reRepublican Party.

Hurukuro naVaSolomon Tembo
please wait

No media source currently available

0:00 0:10:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG