Accessibility links

Breaking News

Kuregererwa kwaMai Mugabe neSouth Africa kwoShoropodzwa neVakawanda


Mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe
Mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe

Hurumende yeSouth Africa iri kushorwa zvikuru zvichitevera kupa kwayakaitwa mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe ruremekedzo rwemunyarikani akakosha kuitira kuti vasamiswa pamberi pedare pamhosva yavari kupomerwa yekurova Gabriella Engels pane imwe hotera muSouth Africa.

Zvichitevera danho iri, Amai Mugabe vakadzokera kuZimbabwe nemusi weSvondo pamwechete nemurume wavo VaRobert Mugabe, avo vanonzi vakasiira musangano weSADC Summit waiitirwa kuSouth Africa kwakare panzira.

Danho rekubvumidza Amai Grace Mugabe kubuda muSouth Africa iri riri kushoropodzwawo zvakanyanya nemapoka akasiyanasiyana, anosanganisira sangano guru rinomirirra vashandi muSouth Africa, reCongress of South African Trade Unions, COSATU.

Sangano iri raburitsa mashoko ekuti rinosvora zvikuru danho rehurumende iri richiti kuita kwakadai kuzvidza hutongi hunotevera mutemo yenyika.

Bato guru rinopikisa muSouth Africa, reDA raburitsawo mashoko ekuti richada kuti dare reparamende riferefete danho rehurumende rekubvumidza Amai Mugabe kubuda munyika iyi vasina kutongwa.

Mamwe magweta anorwira kodzero dzevanhu anoti Amai Mugabe vanogona kuendeswa kumatare edzimhosva muZimbabwe nemusikana wavanonzi vakarova kuSouth Africa, uyu.

Asi rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vachitungamira sangano reZimbabwe Exiles Forum, Advocate Gabriel Shumba vanoti havaoni matare edzimhosva muZimbabwe achiita chivindi chekumisa Amai Mugabe pamberi pematare edczimhosva, kana South Africa yakakundikana kuita izvi.

Advocate Shumba vanoti chingatokwanisa kuitwa nemagweta aMuzvare Engels kuenda kudare repamusoro muSouth Africa kuti ritarisise danho rehurumende iri.

"Pane zhira mbiri dzavanokwanisa kutongwa nadzo, eeh, chekutanga chichiva icho chatinoti criminal aah, investigation kana kuti mhosva inenge ichinzi yapagwa, eeh, mhosva iyi yaparigwa nyika yeSouth Africa. Saka gwaro iroro rinogona kutogwa neyatinoti private prosecution, yakatagwa mugwaro remutemo rinohi Criminal Procedure Act and Regulation yemuSouth Africa.

"Chechipiri ndechokuti kune imwe mhando futi inohi civil proceedings pamutemo. Inogonawo kuva inotewedzegwa, yekuti panenge poda kuripwa iye Gabriella wacho akarohwa, oti ndakarohwa zvakaipisisa zvakatondikanganisa njere kana kuti physical integrity yangu, saka ndoda kuti ndiripwe. Pakuripwa apa unenge akuenda kumatare edzimhosva anonzi ma civil courts, unogona kutopiwa mari inodarika iri kutaugwa nemah'un'gah'un'ga kuti wawapiwa," Advocate Shumba vanodaro.

Vanoti hazvirevi kuti zvakaitwa neSouth Africa zviri pamutemo, asi kuti nyika iyi yakakoshesa hukama hwayo neZimbabwe pamberi pekuchengetedza zvizvarwa zvayo.

"Zvinhu zvakaitiwa vachingokoshesa zvematongerwo enyika, zvichireva kuti vakakoshesa divi one, eeh, yatinoti Section 7:2 ye Diplomatic Immunities Act yemuSouth Africa," Advocate Shumba vanodaro.

Magweta ari kumirira Muzvare Engels anoti ari kuenderera mberi nekuda kuona kuti nyaya iyi yatongwa uye mutemo wateverwa.

Sangano reAfriforum, iro riri kumirira nyakushungurudzwa, rakazivisa kuti richaenda kumatare kuti danho rebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika riongororwe kuti riri pamutemo here kana kuti kwete.

Hurukuro naAdvocate Gabriel Shumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG