Accessibility links

Breaking News

Vakarwa Hondo yeRusununguko Voshora Mhuri yaVaMugabe neKuda Kuita Hutungamiri Kunge Hushe hweMhuri Yavo


VaRobert Mugabe naAmai Grace Mugabe
VaRobert Mugabe naAmai Grace Mugabe

Sangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association kana kuti ZNLWVA nemusi weChishanu rakaita musangano nevatori venhau rikazivisa kuti harisi kuzotenda kuti hutungamiri webato reZanu-PF huiite kunge humambo hwekuti mhuri imwe chete yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ndiyo inoramba ichitonga.

Vachitaura nevatori venhau kuHarare Sports Club, vakuru vesangano reZNLWVA vakati havana kufara nemashoko aAmai Grace Mugabe panyaya yehutungamiri.

VaVictor Matemadanda Voyambira Amai Mugabe
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Amai Mugabe vakaudza musangano webazi reWomen’s League kumuzinda weZanu-PF muHarare nemusi weChina kuti mutungamiri wenyika VaMugabe vanofanira kudoma munhu achatora chigaro chavo.

Mumashoko avo Amai Mugabe vakati, “Hakuna succession inoitwa without the involvement of Mugabe. Hakuna! Vane say as a citizen of this country.”

Asi Munyori mukuru wesangano reZNLWVA VaVictor Matemadanda vakati zviri kutaurwa naAmai Mugabe kutyora bumbiro remutemo weZanu-PF sezvo vatungamiri vachisarudzwa paCongress.

Vakatiwo havasi kufara nemashoko ari kutaurwa pamadandemutande ekuti Amai Mugabe vave kuda kutungamira nyika.

VaMatemadanda vakati izvi zviroto, “Hope dzakanaka, asi chadzinozonakira ndechekuti kana wamuka unoona chokwadi.” Vakati VaMugabe vainge vasina masimba anodarika evamwe vakarwa hondo yerusununguko nekudaro havafanire kuita kunge hushe ndehwemhuri yavo.

Asi Amai Mugabe vakati hapana chitsva pane chavari kutaura panyaya yehutungamiri, “Kune dzimwe nyika tiri kunzwa kuti mamwe mapresident vanenge vachiti ndinosiya nhingi. Imimi President musatye, tiudzei wamunoda kuti bhiza iri ngatifambe naro.”

Vakaenderera mberi vachiti, “Fanike inini President mukandiudza kuti iri bhiza iri, unoonerera! Nekuti Zanu-PF tinoda zvinhu zviripachena. President mukangotiudza kuti, nyeu, ndobhiza racho iri, aha, tasimuka naro bhiza, pachena munhu wese achiona.”

Asi vachipindira mashoko aya, VaMatemadanda vakati VaMugabe havana simba rekudoma achavatsiva uye vhoti yavo ingori imwe chete semunhu wose mubato.

Vakarwa hondo yerusununguko ava vanonzi vanotsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa. Vakashorawo Muzvinafundo Jonathan Moyo vachiti igonye rapinda mubato reZanu-PF.

VaMatemadanda vanotiwo vanhu vose vemuZimbabwe vanofanira kubatana zvisineyi nekuti vari kubato ripi kuti varwise nyaya yekushaya hutongo hwejekerere munyika.

Munyori mukuru weZNLWVA uyu akashorawo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nenyaya yekuti vanhu vasapindire munyaya dzezvematongerwa enyika vachiti VaMugabe vaitendera vachakabvu VaSolomon Mujuru uye VaJosiah Tungamirai kupinda mumisangano yePolitburo vari muchiuto.

Vatiwo vanotsigira mashoko akataurwa nemukuru wemauto General Constantino Guveya Chiwenga ekutuka VaMoyo.

VaVictor Matemadanda Votaura nezvekupindira kwemauto
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura panhepfenyuro yeStudio 7, VaMahiya vakatsinhira mashoko aVaMatemadanda vachiti havasi kufara nezviri kuitika muZanu-PF.

Hurukuro naVaDouglas Mahiya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG