Accessibility links

Breaking News

Masangano Akawanda Oshora Kuvandudzwa kweBumbiro reMitemo


Masangano akazvimirira makumi masere nemapfumbamwe abatana pamwe chete mukuramba kutambirwa kwekuvandudzwa kwebumbiro remitemo kekutanga kana kuti constitutional amendment bill number 1 kwakaitwa nedare repasi nemusi wechipiri.

Masangano aya anoti uku kudzosera nyika kunguva yebumbiro reLancaster House.

Bhiri iri riri kuda kuvandudza mutemo unobata kudomwa kwevatongi vematare edzimhosva vepamusoro, richipa masimba ekuita izvi kumutungamiri wenyika.

Mugwaro raaburitsa pamwe chete, masangano aya anoti ari kushushikana zvikuru nekupasiswa kwebhiri iri nenhengo dzeparamende idzi, achiti zvinosuvisa kuti paramende yakundikana kudzivirira pamwe nekuchengetedza bumbiro remitemo uye hutongo hwejekerere sezviri muchikamu 119 chebumbiro remitemo.

Masangano aya anotiwo bhiri iri riri kuda kuzvidza rusunguko rwekutongwa kwedzimhosva.

Masangano aya ari kukurudzira vana veZimbabwe kuti vatore matanho uye kutaura vasingatyi vachitsoropodza danho rekuda kuvandudza mutemo iri, sezvavatarirwa nebumbiro remitemo.

Mukuru wesangano re Election Resource Center, VaTawanda Chimhini, vanoti vanhu vari muparamende havasi kuita zvido zvevanhu vakavavhotera nekuti bumbiri rakabva muvanhu.

Bhiri iri rava kutarisirwa kuenda kudare reseneti. Kana dare iri rikaritambirawo, rinenge roenda kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti varisaine kuti richiva mutemo unoshandiswa.

Kuvandudzwa kwebhiri iri kwakaitika mushure mekunge mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, uye vari gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, vaunza bhiri iri mudare reNational Assembly kuti rivandudzwe

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG