Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai neVatungamiri veMapato ari muMDC Alliance Vanoita Musangano Wavo weKutanga


Mubatanidzwa MDC Alliance
Mubatanidzwa MDC Alliance

Vatungamiri vemapato manomwe ari mumubatanidzwa wemapato anopikisa weMDC Alliance vaita musangano wavo wekutanga muHarare nhasi mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai vari sachigaro.

Mapato manomwe anoti MDC-T, MDC, PDP, Zanu Ndonga, Zimbabwe People First, Transform Zimbabwe neMutiracial Democratic Party, akasaina chibvumirano chekuumba mubatanidzwa uchakwikwidzana nebato riri kutronga reZanu PF.

VaTsvangirai ndivo vakasarudzwa kuti vamirire mubatanidzwa uyu vachikwikwidzana nemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe.

Mutauriri weMDC Alliance, uye vachitungamira Transform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume vanoti musangano wavo wekutanga uyu wanga uri wekuchitanga kuronga hwaro hwekutevera kugadziriro yavo yesarudzo dzegore rinouya.

VaNgarivhume vanoti vawiriranawo kuti vaenderere mberi nekuparura mubatanidzwa uyu mumatunhu ose emunyika, vachitanga nekuBulawayo musi wa 26 mwedzi uno.

Vatiwo zvakare nhaurirano dzekuti ndiani vachamirira mubatanidzwa musarudzo dzenhengo dzeparamende nedzemakanzuru dzichiri kuenderera mberi mumubatanidzwa wavo.

Hurukuro naVaJacob Ngarivhume
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG