Accessibility links

Breaking News

South Africa neAmerica Dzoronga Kudzika Mitemo Inochengetedza Mabasa eZvizvarwa Zvadzo


Munyori mukuru weAfrican National Congress (ANC) VaGwede Mantashe
Munyori mukuru weAfrican National Congress (ANC) VaGwede Mantashe

Bato reANC muSouth Africa rinonzi riri kuronga kuti padzikwe mutemo unoderedza huwandu hwevanhu vekunze vanenge vachishanda munyika iyi.

Vachitaura nevatori venhau nemusi weMuvhuro, munyori mukuru webato reANC, VaGwede Mantashe, vanonzi vakati bato ravo rakabuda nechisungo chekuti zvizvarwa zvemuSouth Africa hazvingarambi zvichitorerwa mabasa nevekunze.

Bato iri rinonzi richazeya zvakare nyaya yekutorwa kwemabasa nevekunze iyi kumusangano waro mukuru uchaitwa muna Zvita gore rino, uko kunotarisirwa kuti hurongwa hwekuti pave nemutemo wakadai hunogona pasiswa zvisina dambudziko.

Kana mutemo uyu ukabudirira, zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvinonzi zvinogona kurasikirwa nemabasa, zvikuru mumakambani anoita zvekuvaka, zvekubika zvekudya pamwe nemumapurazi.

Asi vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reZimbabwe Exiles Forum, Muzvare Diana Zimbudzana, vanoti havazivi kuti chiri kukurudzirwa neANC chitsva chii, sezvo pagara paine mutemo nechekare wekuti makambani anosungirwa kupinza vekunze vangani mabasa.

Zvichakadaro, mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vazivisa nezvebhiri remutemo uri kuronga kudzikwa, uyo uchaderedza huwandu hwevanhu vanopinda vachizogara munyika iyi zviri pamutemo.

Mukutanga kwegore rino maseneta maviri anoti VaTom Cotton naVaDavid Pardue vakaparura mutemo unogona kudimura huwandu hwevanhu vanopinda vachigara kubva pamiriyoni imwe chete kuenda pamazana mashanu ezviuru pagore roga-roga.

Bhiri iri, iro risati rapinda mudare reseneti, riri kukurudzirawo kuderedzwa kwemhuri dzemunhu anopinda muAmerica semushandi, kumisa chirongwa chekuhwinhisa vanhu mavhiza ekunogara muAmerica che diversity visa lottery, uyewo kuomesa nzira dzekuwana nadzo mvumo yekushanda kuburikidza ne “green card”.

Hurukuro naMuzvare Diana Zimbudzana
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG