Accessibility links

VaGorden Moyo vePDP Votaura Pamusoro peMDC Alliance

  • Jonga Kandemiiri

VaGorden Moyo

Munyori mukuru mubato rePeople's Democratic Party inotungamirirwa naVaTendai Biti, VaGorden Moyo, vanoti bato ravo harisi kuzosaina chibvumirano chekuumba mubatanidzwa wemapato anopikisa weMDC Alliance, sezvo nhaurirano pane zvikuru zvinofanirwa kutanga zviwiriranwa dzisati dzapera.

Gwaro raburitswa naVaMoyo rinoti chikuru pane zvisati zvawiriranwa inyaya yekugovanwa kwezvigaro zveparamende munyika yose, uye zvigaro makumi maviri nechimwe zvakarasikirwa nebato iri parakabuda kubva muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, izvo zvave pasi peZanu PF.

PDP inoti kusvika nyaya idzi dzagadziriswa nenzira inorigutsa harisi kuzosaina chibvumirano ichi.

Zvimwe zvinonzi zviri kudiwa nebato iri kupiwa mukana wekuti nhengo dzaro dzakawanda dzipiwe mukana wekukwikwidza muzvigaro zvakawanda kubva kumakanzuru kusvika kuparamende.

Mapato matanhatu anoti MDC-T, MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, Zanu-Ndonga, Zimbabwe People First, Transform Zimbabwe, neMultiracial Christian Democratic Party ari kutarisirwa kusaina chibvumirno ichi neMugovera pamusangano uchaitirwa kuZimbabwe Grounds mumusha weHighfields.

Asi mutauriri we PDP, VaJacob Mafume, vanoti bato ravo rakazvipira kuona kuti mubatanidzwa uyu wabudirira, richitarisirawo zvakare kuti zvinetswa zvose zvawiriranwa.

VaMafume vanoti bato ravo richange riri kuZimbabwe Grounds neMugovera.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG