Accessibility links

Breaking News

South Africa Inowedzera Hupenyu hweMagwaro eZimbabwe Special Permit


Gwaro reZimbabwe Special Permit kana kuti ZSP Permit
Gwaro reZimbabwe Special Permit kana kuti ZSP Permit

Dare demakurukota remuSouth Africa rawirirana kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi zvipiwe mumwe mukana yekutsvaga mvumo yekushanda zviri pamutemo kuburikidza nekuwedzera hupenyu hwemagwaro eZimbabwe Special Permits.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko muSouth Africa, Amai Ayanda Dlodlo, vaudza vatori venhau kuti dare remakurukota rapa mvumo kugurukota rezvemukati menyika kuti rivhure zvakare mukana wekumutsiridza hupenyu hwemagwaro aya.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mazana maviri ezviuru zviri kushanda nekugara munyika yeSouth Africa.

Asi zvinonzi pane zviga zvichashandiswa pakumutsiridzwa kwemagwaro aya zvinofanirwa kuzadziswa nezvizvarwa zveZimbabwe, zvisati zvaziviswa.

Hupenyu hwemagwaro aripo pari zvino huri kupera muna Zvita wegore rino, izvo zvanga zvoita kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvigare zvakabatira ura mumaoko.

Mukuru weZimbabwe Exiles Forum, Advocate Gabriel Shumba, vanoti vatambira nemufaro danho iri, sezvo vanhu vakawanda vanga vachingobvunza nezvenyaya iyi.

Asi Advocate Shumba vanoti chavanoona sechingangonetsa inyaya yenguva yasara kuti vanhu vose vakwanise kunyoresa vachibatsirwa Zvita 31 asati asvika.

Hurukuro naAdvocate Gabriel Shumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG