Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inotara Zuva reKuberekwa kwaVaMugabe seZororo


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe

Hurumende yatara zuva rekaberekwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe ra 21 Kukadzi sezororo richacherechedzwa nenyika yose gore roga-roga.

Izvi zvaziviswa negurukota rezvemukati menyika, VaIgnatius Chombo pamusangano wavakaita nevatori venhau muHarare nemusi weChishanu.

VaChombo vati zuva iri richange richizivikanwa seRobert Mugabe National Youth Day.

Vechidiki vebato reZanu PF vakatanga kuisa chikumbiro chekuti zuva rakaberekwa VaMugabe riitwe zororo renyika muna 2015, vachiti inenge iri nzira yekucherechedza nayo mabasa akabatwa naVaMugabe mukuvaka nyika.

Asi bato reMDC-T raipikisa danho iri richiti kuita kwakadai kusungirira nyika panemunhu mumwechete, kwete pavanhu vose vakaishandira.

Bato iri raiti pane zororo remagamba nechekare, saka haraiona huchenjeri pakuve nerimwe zororo rinocherechedza VaMugabe sekunge vakasiyana nemamwe magamba enyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG